Makororo ezvipfuyo arura

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views
Makororo ezvipfuyo arura

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAKORORO ezvipfuyo anonzi arura kudunhu raShe Nyamweda kuMhondoro uko varimi veko vave kutyira kuti vachasara vasisina zvipfuyo zvinosanganisira mbudzi nehuku. Varimi vakatarisana nedambudziko rekubirwa iri vanosanganisira vemumisha yemasabhuku anoti Musekiwa, Kurwakumire, Chokugumaira pamwe nevekuminda yakagariswa vanhu patsva neHurumende kupurazi reNyagori iro riri pasi peNorton.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vakatsinhira nyaya yemakororo arura kuba zvipfuyo aya vachiti zvinoda kuti vagari vedunhu iri vabatsirane nemapurisa kuti vakwanise kurwisa kuparwa kwemhosva uku.

“Ichokwadi tine nyaya yekubiwa kwezvipfuyo zvevarimi izvo zvinosanganisira huku, mbudzi, matoki nemidziyo yakasiyana. Tine vakomana vedu vechipurisa vari mundima izvozvi izvo tinotarisira kuti gava richadambura musungo munguva pfupi iri kutevera,” vakadaro Insp Mabgweazara.
Mukati memwedzi mina yadarika munzvimbo imwe chete iyi, munonzi makabiwa matoki gumi nerimwe chete, huku dzinosvika makumi maviri nembudzi shanu.

Insp Mabgweazara vakakurudzirawo varimi kuti vamhan’are kumapurisa kana vachinge vabirwa pane kunyarara vachiti izvi zvinoita kuti matsotsi arase miswe achifunga kuti ari pamusoro pemutemo.

“Zvimwe zvipfuyo zviri kubiwa nemakororo aya tinonzwa kuti imbudzi pamusoro pehuku nematoki asi dambudziko riripo vamwe vevarimi ava vanonzi havasi kunomhan’ara kumapurisa edu angava ekuNorton kana kuti ekwaNyamweda. Tinoti varimi ava vakange vangowana chakaipa chinoda rubatsiro rwedu semapurisa ngavamhanye kukamba iri pedyo kana kuridza nhare panhamba dzinoti 0712 520 412 votaura neni,” vakadaro Insp Mabgweazara.

Ishe Nyamweda, VaClaudious Mandaza, vakakurudzira vagari vemudunhu ravo kubatana nemapurisa panyaya dzekurwisana nemakororo nekuparwa kwedzimwe mhosva.

“Chinoshamisa ndechekuti makororo anogara mukati mevanhu, mhondi zvimwe chetezvo saka ndinoziva kuti vanhu ava vanozivikanwa. Ndinokurudzira mhuri yangu kune vanoziva makororo arura aya kuti vandizivise kana kuti vovabata vovaendesa kumapurisa nekuti vachaguma vaita zvakadarika apa.

Nhamba dzangu samambo dzinoti 0774 176 630 kana kuuya kumba kune zvavanoziva,” vakadaro Ishe Nyamweda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey