Makwikwi etsiva orongwa

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
VATAMBI vetsiva vari kusimukira vachawaniswa mukana wekurwira zvidanho zvepamusoro mumutambo weChampions in Making Challenge uyo uri kurongwa nesangano reDeltaforce Boxing Academy. Mutambo uyu uchaitwa muna Kurume uye uchaona vatambi 24 vari kusimukira vachibandana mumapoka anoti bantamweight, welterweight, featherweight, lightweight newaterweight.

Puromota wetsiva ari kuronga mutambo uyu, Clyde Musonda, anoti mutambo uyu wakakosha chaizvo sezvo uchabatsira kusimudzira tarenda revatambi.

Musonda anoti vatambi vetsiva vari kukwikwidza muZimbabwe parizvino vashoma saka mutambo uyu uchabatsira zvikuru kukwenenzvera vatambi vemangwana avo vachazomirira nyika mumitambo yakasiyana yekunze sezviri kuitwa naCharles Manyuchi.
Asi Musonda anoti parizvino sangano rake reDeltaforce Boxing Academy rakamirira kuti mutambo uyu upasiswe nebhodhi retsiva reZimbabwe Boxing Board of Control.

“Gore rino tiri kuda chaizvo kubatsira kusimudzira mutambo wetsiva isu seDeltaforce Boxing Academy uye tinovimba kuti mutambo uyu weChampions in Making Challenge uchabatsira zvikuru kubika vatambi vetsiva vemangwana.

“Tiri kuda kuti mutambo wetsiva gore rino ugoyemurwa zvekare sezvawakaitwa gore radarika apo Charles Manyuchi akahwina mubairo weSports Personality of the Year.

“Vatambi 12 musi uyu tichavakwidziridza kupinda muprofessional avo vange vachirwira kuamatuer. Parizvino takamirira bhodhi reZimbabwe Boxing Board of Control kuti kuti ripasise mutambo wedu uyu ukwanise kuenderera mberi,” akadaro Musonda.

Vatambi vacharwa musi uyu vanoti muboka reBantamweight: Milton Moyo (Bulawayo) vs Brighton Zhanje (Chiredzi), Featherweight: Beven Nyamhondera (Chitungwiza) vs Tatenda Pardza (Kwekwe), Welterweight: Brendon Denes (Mashava) vs Tendai Avonie (Chegutu), Light welterweight: Phillip Musariri (Masvingo) vs Joseph Mudzingwa (Gweru) neWaterweight: Prince Cater (Gweru) vs Mike Tshuma (Bulawayo).
Vamwe ndevanoti muboka reLightweight: Richard Muriri (Gweru) vs Tawanda Chigwida (Harare),

International Super Bantamweight: Tinashe Mutodza (Zim) vs Noah Nthai (South Africa) neMain Bout International Welterweight: Silas Mandeya (Zim) vs Moabi Mothiba (Botswana).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey