MAONERO EDU: President Xi, icasa: Nhasi ndezveduwo!

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
MAONERO EDU: President Xi, icasa:  Nhasi ndezveduwo!

Kwayedza

GORE ra2015 richapinda munhoroondo yenyika ino segore rakaitika zvinhu zvikuru zvakananga kusimudzira budiriro yeZimbabwe. Regai vechidiki vati, “Zvedu zvakabhadhara.” Kureva kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka. Tinodaro nekuti ndiro gore iro rakaitika zvimwe zvekuti zvinogona kutora makore akawanda kuti zviitike zvakare. Kana uri mwedzi waZvita uno, muchidimbu tinongoti nhasi ndezveduwo!
Chinhu chekutanga chikuru chaitika muna 2015 kushanya muZimbabwe kwemutungamiri wenyika yeChina, President Xi Jinping svondo rino.

Vaya vaimboti President Xi havauye muno hameno kuti vari kunyarirepi. Chinangwa chikuru chekushanya kwaPresident Xi ndechekusimbaradza hukama huri pakati peChina neZimbabwe – hushamwari chaihwo, kwete hwevekumadokero hwekunyebera.

Zimbabwe neChina dzine hukana hwakasimba hunobvira mumazuva ehondo yerusununguko rweZimbabwe apo China yakatsigira zvikuru nezvombo pamwe nerumwe rubatsiro kuti nyika ino iwane kuzvitonga kuzere.

Kuratidza kuzvipira kwavo mukusimbaradza hukama huri pakati peZimbabwe neChina, President Xi vakashaya nechikwata chevanhu vanosvika 200 avo vanosanganisira makurukota emuHurumende yavo pamwe chete nenhengo dzebato reCommunist Party of China.

Zvakakosha kuziva kuti aka ndekechipiri kuti Zimbabwe ishanyirwe nemutungamiriri weChina kubvira zvayakawana kuzvitonga kuzere nekudaro chiremerera chikuru kuZimbabwe kuti inge ichishanyirwa naPresident Xi. Kuuya kwaPresident Xi muno kunoteverawo kuenda kwakaita mutungamiriri wenyika, President Mugabe kuChina apo nyika mbiri idzi dzakanyorerana zvibvumirano zvine chitsama zvekushanda pamwe chete mukusimudzira upfumi hwadzo.

Chishuviro chedu kuti hukama hweZimbabwe neChina hurambe huri hwebhande nebhurugwa kuburikidza nezvibvumirano zvekushanda pamwe chete kwenyika mbiri idzi izvo zvakanyoreranwa pakashanya President Xi muno.

Chinhu chechipiri chikuru kuitika munyika muno gore rino kuitwa kwemusangano wekurwisa zvirwere zvepabonde, weInternational Conference on Aids and STIs in Africa (ICASA) uyo wakatanga svondo rapera.

Ruremekedzo rwukuru zvakare kuti Zimbabwe inge ichipihwa mukana wekuitirwa musangano wepasi rose seuyu.
Zvakakoshawawo kuziva kuti kunyangwe zvazvo nyika ino yakapihwa nguva duku-duku yekuronga musoro uyu, yakarwa imire zvikaita kuti gungano iri ribudirire. Musangano weICASA wakapa Zimbabwe mukana wekuti izvishambadze pasi rose munyaya dzemabhzimisi, kushanyirwa kwenzvimbo dzinoyedza dzemunyika nezvimwe zvakasiyana.

Musangano wemhando iyi haungoitwa nje-e nekuti panoda kuronga pamwe nekuzvipira kuti unge uchibudirira.
Chishamiso chikuru ndechekuti zvinhu zviviri izvi zvakakosha munhoroondo yenyika ino — kushanya kwaPresident Xi nekuitwa kwemusangano weICASA — zvose zvakaitika panguva imwe chete.

Tinovimba kuti izvi zvakabva zvanyaradza vamwe vane godo avo vanogarotaura mashoko asina maturo pamusoro penyika ino.
Haiwa, tinoti makorokoto Zimbabwe!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey