MAONERO EDU: Rurimi rwaamai hwaro hwetsika

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

RURIMI rwaamai rwakakosha zvikuru nekuti kazhinji marwuri ndimo munobva hwaro hwetsika nemagariro endudzi dzakasiyana.

Marudzi ose anodada nemitauro yawo nekuti ndiyo inoumba hunhu hwavo.

Kukosha kwemitauro uku kwaita kuti Hurumende yeZimbabwe ione zvakakodzera kudoma mitauro inofanirwa kucherechedzwa zviri pamutemo mubumbiro remunyika ino.

Mitauro iyi pamwe chete inokwana 16 uye inokosheswa zvakafanana zvisinei kuti chiShona, Ndebele, Kalanga kana kuti Nambya.

Tinogamuchira zvikuru matanho ari kutorwa neHurumende, kuburikidza nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, ekuona kuti mitauro yose iyi yasimudzirwa uye kuti yadzidzwa kubvira kukireshi nemuzvikoro.

Mune imwe nyaya yatinayo svondo rino, gurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakabvumiranwa neCabinet Committee inoona nezvedzidzo kuti vana vekukireshi kusvika Grade 2 vadzidziswe nemitauro yavanonzwisisa, rurimi rwaamai.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reHouse of Assembly nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera South, Cde Joseph Chinotimba.

Mubvunzo waCde Chinotimba wakakosha zvikuru nekuti vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukusimudzira mitauro yemuZimbabwe. Cde Chinotimba vakapa muenzaniso wekunyika yeChina uko vakati vana veko vanodzidza kusvika kuyunivhesiti vachishandisa mutauro weko weChinese.

Tinowirirana zvikuru nepfungwa dzaCde Chinotimba sezvo zvakakosha kuti mitauro yemuno inge ichisimudzirwa.

Hurumende isati yatora danho rekuti mitauro 16 iyi inge ichicherechedzwa mubumbiro renyika, chiRungu choga ndicho chainyanya kususukidzwa mberi mimwe mitauro ichitarisirwa pasi, zvikuru muzvikoro.

Kunyangwe nanhasi uno vadzidzi vanenge vapedza chikoro, ingave O-Level kana A-Level, vanonzi vanosungirwa kuve nechiRungu kana vachida kutsvaga basa kana kuenderera mberi nedzidzo, kungave kumayunivhesiti kana kumakoreji.

Izvi ndizvo zvimwe zviri kuita kuti mimwe mitauro ionekwe seisina kukosha. Mitauro iyi ndeyedu uye ibasa remunhu wose kuona kuti kushandiswa kwayo kwasimbaradzwa.

Tinoshuvira zvikuru pachakwana nguva iyo apo zvinenge zvave kunzi mudzidzi anenge apedza O- kana A-Level kuti akwanise kuenderera mberi nedzidzo kana kutsvaga basa anofanirwa kunge aine mumwe wemitauro inocherechedzwa mubumbiro remutemo kwete kuti ave nechiRungu bedzi.

Hazvizi nyore kutora danho rakadai asi zvinogoneka uye chinodiwa kusandura mafungiro everuzhinji kuitira kuti vatungamidze mitauro yavo mberi. Sekutaura kwaDr Dokora, harizi basa sebazi ravo chete kusimudzira mitauro iyi asi kuti zvinoda mushandirapamwe nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuke nhando.

Zimbabwe inozivikanwa zvikuru pasi rose nekuve pamusoro munyaya dzedzidzo nekudaro budiriro iyi inofanirwa kuramba ichisimbaradzwa nekukosheswa kwemitauro iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey