MAONERO EDU: Zvinongoda kurongeka

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

ZVIKORO zvichange zvichivhurwa nemusi weChipiri chinotevera uye pari zvino vabereki vazhinji nevana vari mushishi yekugadzirira kuti vana vanotanga temu yechitatu mune zvakanaka.

Kubvira nemusi weMuvhuro svondo rino, chinongove chipata-pata apo vabereki nevana vari kutenga zvakasiyana semayunifomu, mabhuku nemimwe midziyo inodiwa pakudzidza.

Mubereki akangwara anogadzirira zvinhu zvinodiwa nemwana wake nguva ichiripo.

Kune vamwe vanomirira kusvikira nguva yapera apo vanozomhanya-mhanya kutenga zvinenge zvichidiwa nevana kuchikoro.

Semuenzaniso, unogona kuona mubereki ane mwana anodzidza kubhodhingi achitanga kutsvaga mabhuku panguva iyo mwana anenge ave mubhazi rekuenda kuchikoro.

Kwete, mubereki anofanira kurongeka ogadzirira mwana wake nguva ichiripo.

Panguva yakadai hazvishamise kuona vamwe vezvitoro – vangave vanotengesa mayunifomu kana zvimwe zvinodiwa nevadzidzi sezvekudya – vachikwidza mitengo.

Mitengo haifaniri kungokwidzwa zvisina tsarukano kana kuti nekuti vanhu vakawanda vanenge vachida kutenga panguva iyoyo.

Zvakakosha zvakare kuti vabereki vangwarire magevha anogona kuvatsotsa mari dzavo mushure mekuvanyepera kuti vanovabatsira kuti vawane angave mayunifomu kana mimwe midziyo yekuchikoro nemitengo yakaderera.

Mubereki akarongeka ino ndiyo nguva zvakare yekuti anofanobhadhara mari yefizi yemwana wake kwete kumirira zuva rinovhurwa zvikoro.

Kazhinji unoona vamwe vabereki vachienda kumabhengi kunobhadhara mari yefizi yevana vavo musi unovhurwa zvikoro apo kumabhengi kwacho kunenge kuine mitsetse yakareba zvikuru.

Saka zvakakosha kuti mari yefizi ibhadharwe pachine nenguva.

Kune avo vabereki vari kusangana nezvimhingamipinyi munyaya dzekuti vange vachibhadhara mari dzemafizi, zvakakoshawo kuti vaende kunogara pasi nevakuru vezvikoro zvinodzidza vana vavo vowirirana hurongwa hwekuti vanozoibhadhara sei mari iyi.

Izvowo zvikoro hazvifanire kungokwidza mari zvisina tsarukano.

Tinogamuchira nemawoko maviri mashoko egurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, mudare reSenate svondo rapera apo vakati Hurumende ichange ichitendera kukwikwidzwa kwemari idzi zvakaringana zvichitariswa kuoma kwakaita nyaya dzeupfumi munyika.

Prof Mavima vanoti Hurumende ichatarisa nemeso matsvuku nyaya dzemafizi muzvikoro zviri pasi payo kuitira kuti mwana wose anokodzera kuwana dzidzo ange achiiwana.

Tinorumbidza Hurumende nekuda kwedanho iri nekuda kwekuti kune vamwe vakuru vezvikoro nemasangano anomirira vabereki emaSchool Development Committee vanogona kufurirana kungokwidza mari pamadiro.

Asi, Prof Mavima vanoti Hurumende haina zvainokwanisa kuita kuzvikoro zvakazvimirira izvo zvinoti zvinoda kubhadharwa nemari yekunze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey