Matanho anogona kusimbaradzwa

14 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
Matanho anogona kusimbaradzwa Dr Mahomva

Kwayedza

Harmony Agere

HURUMENDE inogona kusimbaradza matanho ekurwisa Covid-19 (lockdown) kana huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri hukaramba huchikwira zvakanyanya.

Asi izvi zvinokwanisa kudzivirirwa kana veruzhinji vakatevedzera zvizere matanho aripo ekumisa kupararira kwechirwere ichi.
Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti Hurumende iri kuramba ichiongorora kushanda kwematanho akatarwa ekurwisa denda iri.

Vanoti kuvandudzwa kwematanho aya kuchaitwa pachitariswa mamiriro ezvinhu maringe nechirwere ichi.
“Ibasa redu tose nekuti tikarega kudaro uye huwandu hukaramba huchikwira hatina zvimwe zvatingaite, asi kusimbaradza matanho aya,” vanodaro Dr Mahomva.

“Asi izvi zvinoenderana nemamiriro akaita zvinhu. Saka tichasangana nemapoka atinoshanda nawo toona kuti tingaite sei. Kana pane zvawanikwa, zvichaziviswa munguva pfupi iri kutevera uye handikwanise kukuzivisai nezvazvo,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti kumiganhu yose yenyika inopinda nekubuda nevanhu, kuri kutevedzwa matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19.
“Semaziviro edu panyaya yekufambiswa kwebasa, matanho matsva aya ari kushanda uye nekuona kuti atevedzwa. Asi kana kuine vamwe – mukati memapoka ane basa rekuona kuti mutemo watevedzwa – vari kurega vanhu vachingopinda nekudarika nepamiganhu vasingatevedze mitemo yekurwisa Covid-19, vakadaro vanofanirwa kumhan’arirwa,” vanodaro Dr Mahomva.

Pakashanyirwa nhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport muHarare mazuva adarika, zvakaonekwa kuti vanhu vari kubva kunze vari kutenderwa kupinda munyika vasina kuongororwa denda iri kana kumbogariswa kwavo voga sezvinodiwa pasi pemutemo.

Gurukota revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya – Professor Paul Mavima – vanoti Hurumende haisati yave nenzvimbo dzekuchengetera vanhu vanobva kunze panguva yavanenge vachiongororwa Covid-19.

“SeHurumende, hatizi kuzobhadhara mari yenzvimbo dzinenge dzichiongororwa vanhu pari zvino. Vanhu vachabhadhara voga mari yepanzvimbo dzavanenge vari,” vanodaro Prof Mavima.

Mapurisa ekuChirundu svondo rapera vakasunga vashandi vaviri vepamuganhu wenyika uyu vachipomerwa kuregera vanhu vaviri kuti vabude panzvimbo iri kuchengeterwa vanobva kunze vachiongororwa denda iri paChirundu Border Post.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey