Mayweather oti haana hurongwa hwekukwikwidza

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Mayweather oti haana hurongwa hwekukwikwidza

Kwayedza

FLOYD Mayweather anoti haana hurongwa hwekudzoka kuzokwikwidza mumutambo wetsiva zvichitevera kusendeka kwaakaita shangu dzake asina kumbobvira akundwa gore radarika.

Shasha iyi yakasiya yanyora nhorowondo yekutamba mitambo 49 isina kumbokundwa mutsiva zvichitevera kukunda kwaakaita Andre Berto pazvibodzwa.

Nguva nenguva aitaura kuti haana hurongwa hwekudzoka mutsiva uye svondo rapera akataurazve kuti haasi kuzodzoka kunyangwe mutambo wacho ukanzi achapihwa mari yakawandisa, kana kurwira menduru yegoridhe kumaOlympics.

“Kwete,” akadaro Mayweather uyo akahwina menduru yebhuronzi kumutambo we1996 Olympics kuAtlanta apo paakabvunzwa zvekudzoka mutsiva.

“Muviri wangu kuti uwane zororo kubva kumitambo yose iya yandakatamba zvichanditorera hupenyu hwangu hwose. Ndakakomborerwa zvikuru nekuti ndakapedza hupenyu hwangu hwose ndichikwikwidza mumutambo uyu.

“Ndakave nenguva inofadza zvikuru mumutambo uyu. Hapasisina mumwe mukana wekurwa mumuviri wangu, yave nguva yekuzorora.”

Mayweather anoti pane nguva yaanombofunga kupfuura nhorowondo yakanyorwa naRocky Marciano uyo ari muHall of Fame yekutamba mitambo 49 asina kukundwa achiti, “Ndorowondo yega yandinotarisa kukura kwandiri kuita muhupenyu hwangu.”

Mayweather anoti iye zvino ave kufara kuona vatambi vechidiki vachikura mumutambo uyu achibatsira kuvapa mashoko ekurudziro kuti vasvike paakasvika.

“Ndinoda kuti vatambi ava vadarike pandakasvika,” akadaro Mayweather.

“Ndakakwanisa kusiya mutambo uyu panguva yandakaona yakakodzera, handina kumanikidzwa kuuregera.” —Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey