Uncategorized

‘Mbanje kudya kwevakuru’

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Mbanje kudya kwevakuru’ Musiiwa Walter Manduku

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuBinga anotsanangudza zvakanakira mbanje kwaari achiti uku kudya kana kuti chikafu chemadzimambo nevadzimu.

Musiiwa Walter Manduku (67) — uyo aimbogara nemushakabvu Sekuru Mushore mumapako eNharira, kuNorton — anoti masvikiro nen’anga vanoshandisa mbanje kudarika mimwe mishonga sezvo ichivabatsira mune zvakawanda.

“Ndinobvuma kuti kukanganisa nekutyora mutemo wenyika usingabvumidze kurimwa kwembanje nemunhu wese-wese. Asi, kuchivanhu tinokanganisirwa zvikuru nekuti mashavi kana midzimu ichisvika, mimwe isati yatanga kupanda matare, inotokumbira gonan’ombe rembanje,” anodaro.

Manduku — uyo pari zvino ari kupika jeri kuHarare Central Prison mushure mekukonwa nemhosva yekurima mbanje mumunda make — anoti mbanje kudya kana kuti chikafu chevadzimu nemashavi kungoti bedzi madzitateguru ake akamurasisa apo akazosungwa.

Murume uyu anoti akasungwa ari kuKwekwe uko akawanikwa aine madzinde embanje akawanda ndokutemerwa chirango chekugara mujeri kwemakore maviri, mwedzi mitanhatu yacho ndokusendekwa padivi.

“Ndakasungwa nemusi wa9 Chivabvu 2017 nekuda kwekurima mbanje iyo ndaishandisa mumabasa echivanhu. Pandakabatwa, ndange ndasvitsa makore 40 ndichiputa mbanje asi mutemo unozosvikira pakukubata chete sezvakaitika ipapo.”

Manduku – uyo ane vhudzi nendebvu zvachena imvi – anoenderera mberi: “Mukugara kwangu muno mujeri, ndadzidza zvakawanda uyewo kuti kupara mhosva hakubhadhare, unorasikirwa nenguva yako pasina. Asi ndave padyo nekubuda zvangu.

“Chirimwa ichochi ndaitombochirima naSekuru Mushore Botemupote Mutupowenyika Kawanzaruwa kugomo reNharira riri kuNorton tichishandisa zvine chekuita nechivanhu.”

Manduku – uyo anoti anosvikirwa kana kuti kupoterwa nemudzimu – ari kupa vanhu vedzinza rekwaNyamweda, kuMhondoro, mhosva yekukurumidza kuzivisa nezverufu rwaSekuru Mushore izvo zvaanoti zvakakanganisa chivanhu chemakomo eNharira.

“Vanhu vekwaNyamweda vane mhosva, vakamhanya kutaura nezverufu rwegombwa Sekuru Mushore chinova chitadzo chikuru pachivanhu. Izvozvi ini ndiri mujeri ndinonzwa kuti pane masaramusi ari kuitika kumakomo eNharira nemumapako eko. Zvotoda vanoziva chivanhu sesu masahwira makuru.”

Manduku anoti akabuda mujeri anoda kuti mumakomo eNharira munobikwa bira guru rekuchenura nzvimbo iyi.

VaPasipanodya Mushore (55), avo vanova mwanakomana mukuru waSekuru Mushore, vanoti havana chavanogona kutaura nekuda kwenyaya yababa vavo vave nemakore vakafa vachiti kune vakuru vanogona kutaura nezvazvo.

“Ichokwadi, munhu uyu aimbogara nasekuru kumakomo eNharira. Asi zvimwe zvizhinji handigone kuzvitaura, zvinoda vakuru,” vanodaro.

Sekuru Mushore vakashaika mugore ra2009.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey