‘Mhanzi ngaishandure hupenyu hwevanhu’

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Mhanzi ngaishandure hupenyu hwevanhu’ Mai Zimi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero Tafadzwa Patience Chiminya — uyo vazhinji vanoziva saMai Zimi —  anoti mhanzi inofanirwa kushandura hupenyu hwevatereri uye kusimudzira vanotambudzika muhupenyu hwavo.

Mai Zimi avo vanozivikanwa nenziyo dzinoti “Usadherere” uye “Overcome” idzo dzakaita mukurumbira, vanoti shuviro yavo kuti vagoshandura hupenyu hwevamwe vanotambudzika muhupenyu hwavo kuburikidza nemhanzi.

“Isu sevaimbi ibasa redu kuti mhanzi yatiri kuburitsa ngaive inovaka ichisimudzira pamwe nekushandura hupenyu hwevamwe vanhu uye kuvapa tariro kuti matambudziko avanenge vachisangana navo achapera.

“Isu vechitendero tinotofanirwa kunge tiri pamberi pakubika mhanzi inovaka uye tichibatana kuita mabasa ekusimudzira vamwe muhupenyu hwavo. Kuti tifambe nemotokari kana kugara hupenyu hwakanaka, kuburikidza nevatsigiri vedu avo vanotenga mhanzi yedu uye kuuya kumashoo edu. Saka isu tinofanirwa kudzosera kwavari kuburikidza nekubatsira vanotambudzika uye kuvabatsira muhupenyu hwavo,” vanodaro.

Gore rapera, Mai Zimi vakaparura dambarefu ravo  rechipiri rinonzi Takomborerwa.

Vachitaura pamusoro pepairesi, Mai Zimi vanoti vaimbi vanofanirwa kuchangamuka voshandisa nzira dzakasiyana-siyana dzakadai sedandemutande kuti mhanzi yavo isvike kuvatsigiri vavo, kunyangwe vari kunze kwenyika.

“Nguva dzatave kurarama takakomborerwa kuti tave panguva yedandemutande saka ngatiishandise kuti titenderedze mhanzi yedu isvike kuvatsigiri vedu uye inosvika kunyika dzekunze kunyangwe kuEurope chaiko. Ukangokanda mhanzi kana vhidhiyo yako paFacebook, YouTube, Instagram kana paTwitter chaipo ipapo-ipapo munhu ari kuCanada, England, South Africa kana kunyika ipi inobva yatosvika kwaari. Saka ngatishandisei mukana uyu tisakurirwe nepairesi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey