Uncategorized

Michelle: Zvangu zviri muropa

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Michelle: Zvangu zviri muropa Michelle ari pabasa. — Mufananidzo: Shelton Muchena

Kwayedza

Michelle ari pabasa. — Mufananidzo: Shelton Muchena

Michelle ari pabasa. — Mufananidzo: Shelton Muchena

MICHELLE Tawanda Bwititi, mushamarari ari kupisa panhepfenyuro yeDiamond FM – iyo yazunguza vakawanda kuManicaland – anoti zvekuguma ashandira kambani yenhau zvagara zviri maari.

Michelle (23) anoti chido chekuva mushamarari chakabva pakuti iye akakura achifarira basa iri uye ari kutevera tsoka dzababa vake avo vaive mutapi wenhau ane mukurumbira.

Diamond FM inotepfenyura maMutare nematunhu akakomberedza guta iri uye imwe yenhepfenyuro mbiri dziri pasi pekambani huru muZimbabwe pakupakura nhau, yeZimpapers.

Star FM, iyo inova ndiyo iri “panyanga” panhepfenyuro dzose dzemuZimbabwe, ndiyo imwe yacho asi ichitepfenyura nyika yose.

Michelle — uyo zita rake rebasa kana kuti remadunhurirwa achinzi Zion Asset — munamati uye mugari wekuPenhalonga, kwaMutare ikoko.

Mushamarari Zion Asset haasati aroorwa uye anoti: “Ndichiri kutsvaga chibayamwoyo chekuzopinda nacho musvitsa tsvene, asi kwete tsotsi kana kuruku.”

Mumhuri mavo vatatu, vakomana vaviri naiye, zvekare ari wechipiri pakuberekwa kwavo.

Baba vaMichelle, mushakabvu Makuwerere Bwititi, vaiva mutori wenhau akaita mukurumbira asi amai vake, Theresa Bwititi vapenyu uye anogara navo.

Anoti chido chekuzoita basa rekushamarara nekutora nhau chakabva kuna baba vake avo vaiva nyanzvi mukutapa nhau, ndokuzoguma vodzipepeta.

Baba vake vakapepeti mapepanhau anosanganisira bepanhau reThe Chronicle, Manica Post neThe Southern Times, ose ari pasi peZimpapers.

“Zvinhu zvandakakura baba vangu vachindikurudzira kuita kusvika zvapinda muropa, ndokudzidzira basa iri.

‘‘Ndinoti pamberi neDiamond FM iyo inopa mitakunanzva yezvirongwa nenhau dzinodiwa neveruzhinji!” chinodaro chimhandara Michelle.

Musikana uyu akaita zvidzidzo zveBA Media Studies neUniversity of Namibia ndokumboshanda kunhepfenyuro yeUNAM ari mushamarari ikoko kuNamibia.

Michelle akaberekerwa kuMasvingo ndokupinda chikoro paMoray Primary, kuBulawayo, apo akazobva oenda kuChancellor Primary School kwaMutare uko akaitira Grade 7.

“Ndakazoenda kusekondari kuSt David’s Bonda High School nekuHill Crest College uko ndakanoita Form 6.

“Mugore ra2011 ndipo pandakazoenda kuNamibia uko ndakanoita zvidzidzo zvekutapa nhau nekuva mushamarari uyewo TV presenter.”

Michelle anoverenga nhau dzechiRungu neShona uye anoita zvimwe zvirongwa zvinosanganisira The Boost, icho chinoitwa neSvondo kubva na6 kusvika na10 mangwanani, chinova chechitendero.

Nemusi weChina, anotanga basa na10 husiku kusvika na2 mangwanani eChishanu pachirongwa chinonzi Lock Down apo anosanganisa vanhu vakapesana, vanotsvagana uyewo nezverudo.

Anoti mushamarari waanoyemura ndiYvonne Katsande, uyo ava kushandira kuSouth Africa.

Pakudya apa, Michelle anofarira sadza nemuriwo wemuboora, ungava munyoro kana mufushwa.

Anotizve anofarira zvekuimba pamwe nekuterera mimhanzi yakanyorovera yemuno neyekunze.

Kana ari pazororo, Michelle anofarira kushanyira kuZanzibar nekuTanzania.

Mutsigiri mukuru wechikwata chenhabvu cheCAPS United uyewo pane zvekunze anofarira Chelsea.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey