Uncategorized

Misha inogariswa varoyi

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Misha inogariswa varoyi Sabhuku Sumburero

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KWAMAMOMBO Makuni, kuRushinga, kunonzi kune nzvimbo kana kuti misha iyo inonzi inogarwa nevamwe vanhu vane huroyi hwemandiriri – avo vanonzi vanoti kana vada nezvako, rinopisa remusi iwoyo hauridye nekuti unoswera wafa usina kana kurwara.

Vanoziva nezvetsika iyi vanoti kubva pasichigare, kune misha inogariswa vamwe vanhu vane huroyi hwemberi – hunozivikanwa nekuti nzimu – uhwo varoyi vacho vanouraya vanhu zviri nyore sekungokumedzera mate kana kuridza tsamwa, munhu otofa.
Mhando yehuroyi hwemandiriri uhu ndiyo inonzi inoita kuti vanhu ava vagariswe kwavo voga.

Kana varoyi venzimu “vada” munhu, vanonzi vanomuuraya nyore nekumonya mutsipa kana kungopunzika. Vamwe vanouraiwa vanonzi vanongoita manyoka kana kuita seaoma mitezo (stroke) – nguva diki munhu otofa.

Sabhuku Sumburero, VaVanada Karumuberere (95), vanoti kune misha yakasarudzirwa kugara vamwe vevaroyi ava.
“Nekuona dambudziko revaroyi ava, vatungamiri vaiva muno kare vakasarudza misha inogara vanhu vane nzimu, uko vanogara voga. Vanogona kuita mazuva ekurovesana chete pasina rimwe basa ravanoita kana kupedza svondo vachirovesana bedzi,” vanodaro Sabhuku Sumburero.

“Kumisha iyi hakungobvakachwe manga-manga, kana kukafiwa tinotya kuendako nekuti munogona kurohwa nezvidhoma panhamo pacho. Isu masabhuku tisina huroyi uhwu tinoshorwa tichinzi hatina kuzvitsigisa,” vanodaro.

Sabhuku Sumburero vakakumbirwa nevatori venhau veKwayedza kuti vavaperekedze kumisha ine varoyi venzimu iyi asi vakaramba ndokutoshamiswa zvikuru.

“Mungade kusvika ikoko nezvamuri imi izvi? Munodzoka maumbuka kumeso mave kubuda furo marohwa. Dzokerai kumabasa kwenyu zvakanaka musatifire kuno,” vanodaro Sabhuku Sumburero.

Mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, VaGeorge Matimura (36), vanoti hakuna huroyi hunotyisa kuRushinga kudarika hwenzimu.

“Misha ine nzimu iyi inototyisa kusvika. Kana mombe dzako dzikanzi dzarasikira naikoko, unototya kunodzitora nekuti hauzive kuti unodzoka zvakanaka here.

“Vanhu vanogara kumisha iyi vakangogumburisana vanomonyana mitsipa nenzimu miromo yoenda padivi. Zvinongofanana nezvivanda.

“Kunyangwe vakaroorana, vanogona kuedzana masimba ehuroyi uhwu apo mumwe anongosiya mumwe achipupa furu iye achienda kwaanoda. Munhu akarohwa nenzimu mutsipa unotarisa kugotsi, mawoko okokonyara,” vanodaro VaMatimura.
Nzimu dzinonzi dzinouraya kana zvipfuyo zvakaita semombe, huku, mbudzi nehwai.

“Munhu ane nzimu akakushatirirwa anokumedzera mate apo dzinobva dzakurova ipapo asi akazosvipa mate unobva wapora. Pamisha yevanhu vane nzimu ukasvikapo unotambirwa nemazingizi anongotenderera pauri woziva kuti panenge paipa. Asi mazingizi haakurume, uye vanhu vane nzimu vanogara vakatsvinda sezvinoitwa nevane mashavi enjuzu,” vanodaro.

Zvinonzi kana munhu arohwa nenzimu anenge amurovesa wacho anofanirwa kutukwa, izvo zvinoita kuti dzinyare, munhu oita zvakanaka.

“Isu kuno mumataundishipi umu vanobva kumisha ine nzimu tinonwa doro navo. Asi ukaona atsamwa kurumidza kumutuka iwe womedzawo mate kuti umutangire nekuti ukadaro hadzizokwanisa kukurova,” vanodaro VaMatimura.
Tinotenda Masimo (33) anoti nzimu hadzibvisike mumhuri sezvo dziri muropa redzinza.

“Ukaona munhu arohwa nenzimu unotora madororo ehuku wopisa uchipfungaidzira munhu anenge amonywa wacho kana kuti tinotora shamhu yemuti weMusika iye arohwa asingazive, tomurova nayo mweya wacho unobva wataura kuti watumwa nanhingi. Akahetsura zvinobva zvapera,” anodaro Masimo.

Anoti kune vanhu vakaroorana vose vaine nzimu mumwe akada kuita chipfambi kana kuita madhiri asingazivikanwe nemumwe wake, anotanga amurovesa, osara mumba akarara iye achinoita madiro.

“Unozoita zvakanaka kana adzoka akatsiura nzimu dzake kuti dzichimuregera. Saka kazhinji vanhu ava vanoda kutangirana kurovesana nenzimu,” anodaro.

Brighton Bomba (18) anotiwo nyama yemombe kana yehuku dzinofa dzarohwa nenzimu hainake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey