Mitambo yePSL yamiswa

10 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Mitambo yePSL yamiswa Kennedy Ndebele

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League (PSL) yazivisa kuti mitambo yeCastle Lager yesvondo rino yambomiswa nechinangwa chekupa chikwata chenyika chemaWarriors mukana wekutamba mutambo wehushamwari neBotswana.

Svondo rino, pasi rese zvikwata zvenyika zhinji zviri kutamba mitambo yenhabvu yakasiyana inoti yehushamwari iyo iri kutambwa nezvemuAfrica, kuchiti zvekuEurope zvichatamba UEFA European Championship Qualifiers nemimwe yehushamwari.

Mutambo wemaWarriors neBotswana uchange uri wechitatu kubva Zimbabwe yadzorwa mumhuri yenhabvu yepasi rese.

Muchinyorwa, chamangwiza wePSL – Kennedy Ndebele – anoti kumiswa kwemitambo iyi kwaitwa nechinangwa chekupa chikwata chenyika mukana wekugadzirira mutambo wehushamwari neBotswana.

“Tsamba ino inozivisa kuti mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yesvondo ra27, iyo yaifanirwa kutambwa mazuva anoti 14 na15 Gumiguru, yambomiswa.

“Izvi zvaitirwa kuti tipe mukana wekuti patambwe mutambo wehushamwari weZimbabwe neBotswana nemusi weMugovera.

“Mitambo yamiswa iyi ichazotambwa nemusi wa18 na19 Gumiguru,” anodaro Ndebele.

Zvakadaro, mutevedzeri wemurairidzi wemaWarriors – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – anoti chikwata chichasangana neBotswana chinogona kuve chakazara nevanotambira nhabvu yavo muno nekuti hapachina nguva yekushevedza vatambi vekunze vanosanganisira vekuEurope.

Genesis ‘Kaka’ Mangombe

“Tiri kufanira kurara tave mukembi nhasi (Chipiri), saka tinogona kutadza kuwana vatambi vese vatinoda, kunyanya vari kuEurope kuti vauye kuzotamba nekuti nguva ndiyo yadyana.

“Asi regai tigoona nekufamba kwevhiki rino kuti tichange takwanisa kuwana vatambi vapi vekunze vanogona kukwanisa kuuya kuzotamba nekuti sezvo uri mutambo mukuru uyu, tinoda vatambi vedu vese vepamusoro,” anodaro Mangombe.

Mutambo wemaWarriors neBotswana uchatambirwa muno kunhandare yeNational Sports Stadium.

Pakapedzisira kutamba zvikwata zviviri izvi masvondo adarika, Botswana yakahwina 4-3 kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 1-1.

Mutambo uyu waive wekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere kweBotswana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey