Uncategorized

Mombe dzofa kuMasvingo

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

ZVIPFUYO zvevarimi vekuBuhera, nekuMasvingo zvatarisana nedambudziko rakafanana – mafuro ava mashoma izvo zvava kuita kuti zvimwe zvipere kufa nenzara.Kwayedza nguva yadarika yakatenderera kumatunhu aya ndokuona vamwe varimi vachityora mapazi emiti ane mazhizha vachipa kuzvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi nemadhongi. VaSimbarashe Ndambakuhwa (32) vemubhuku raMukonjo, kwaMambo Ziki, kuMasvingo, vakawanikwa vachityora mapazi emiti ine mashizha vachipa imwe yemombe dzavo.

“Mombe dzangu dzinosvika 22 pamwe chete, saka ndine matanga umo ndinodzichengetera ndodzipa kudya kwemakireshi nemashizha kuti dzirarame. Ndaive nedzakadarika apa asi dzimwe dzikafa,” vanodaro.

VaTauya Marume Muchazorwiwa (35) vekuBuhera, vanoti mombe dzavo vanototengera kudya kwakafanana nemakireshi kubva kuzvitoro zvinotengesa kudya kwezvipfuyo nemuzvigayo.

“Kuno kuBuhera mvura haina kunaya zvakanaka mwaka wakadarika. Izvozvi haisati yanaya, saka mombe dzave kufa nekushaya mafuro nemvura,” vanodaro VaMarume.

Vanoti vari kufamba mitunhu yakareba kuenda kunonwisa mombe dzavo mvura vachinosvika kurwizi rwaSave kana rwaNyazvidzi uko kunove chinhambwe chinodarika makiromita gumi nemashanu.  VaEnock Mataruse (60) vekwaGutu, kuMasvingo, vanotiwo vanogona kusara vasina zvipfuyo kana mvura ikatadza kunaya zvakanaka mwaka uno.

“Mwaka wakapera ndaiva nemombe dzaidarika gumi asi izvozvi ndangosarirwa neina chete. Zvikaramba zvakadai dzichapera dzose,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaElijah Chabata (63), vanova Sabhuku Chokureva vekwaZiki, kuBikita. Vari kuchema chemawo nenyaya yekufa kwemombe mudunhu ravo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey