Mr Chitungwiza orangarirwa

11 Jul, 2023 - 21:07 0 Views
Mr Chitungwiza orangarirwa John Chibadura

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI akamboita mukurumbira – mushakabvu John ‘Mr Chitungwiza’ Chibadura – orangarirwa kuburikidza nemutambo uri kurongwa nemhuri yake yakabatana nemwe masangano.

Chibadura, uyo aitungamira chikwata cheTembo Brothers, akashaika nemusi wa4 Nyamavhuvhu mugore ra1999, mumwe wevaimbi vaive nemukurumbira munyika uye nanhasi mimhanzi yake ichiri kufarirwa nevatsigiri vakawanda pamwe nevamwe vaimbi vanoimba nziyo dzake kumashoo avo.

Kubva ashaika, aka kachange kari kekutanga Chibadura achirangarirwa.

Mutambo wekurangarira Mr Chitungwiza uchaitwa nemusi wa5 Nyamavhuvhu kuChitungwiza Aquatic Complex uye vaimbi vakawanda vari kutarisirwa kuridza pashoo iyi.

Mumwe wevarongi veshoo iyi – Daniel Gorejena weWIZPRO Entertainment – anoti sezvo kari kekutanga Chibadura achirangarirwa kubva zvaashaika mugore ra1999, vari kuronga mutambo mukuru wekumucherechedza pamwe nekuramba vachisimudzira zita rake.

Gorejena anoti pamutambo uyu vari kukoka magamba emhanzi akasiyana pamwe chete nevana vevamwe vaimbi vakaita mukurumbira.

“John Chibadura aive gamba munyaya dzemimhanzi munyika sezvo nziyo dzake dzainakidza, dzichidzidzisa uye dzaibata-bata zvakawanda zvaiitika munharaunda dzatinobva nekugara.

“Naizvozvo tiri kuronga mutambo mukuru wekumurangarira tichishanda pamwe chete nemhuri yake neshamwari dzake.

“Mr Chitungwiza akashaya mugore ra1999 saka aka kachange kari kekutanga kuita mutambo mukuru sewatiri kuronga wekumurangarira,” anodaro Gorejena.

John Chibadura

Vaimbi vari kutarisirwa kuzoridza pashoo iyi vanosanganisira Somandla Ndebele, Nicholas Zacharia, Alick Macheso, Baba Mechanic Manyeruke naHosiah Chipanga.

Chibadura akakwanisa kubura madambarefu aidarika 20 uye anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira Zuva Rekufa Kwangu, Rudo Runokosha, Pfuma Yenhaka, Mukadzi Wangu, Linda naRairai Vana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey