Uncategorized

Mukuwasha anorikita ambuya

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Inhubu chaiyo amai ivava’

 ‘Kuti mwana handi wangu?’

Trymore Muvhawa

AMBUYA – amai vemudzimai – vekuti vanogara vachirikitwa kurohwa nemukuwasha wavo, uyo wavanotizve anohaya mamonya kuti avazvambaradze, vakatozopotera kudare redzimhosva.Calista Magarambira akamhan’arira mukuwasha wake, Manasa Ndawana, kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

Magarambira akati mukwasha wake inharadada chaiyo.

“Mukuwasha uyu akaramba mwana wangu ndikamutora ndikagara naye kumba zvose nemwana wake. Anouya kumba kwangu achiti anoda kutora mwana ndichiramba, ndipo paanondirova.

“Mumwe musi waakandirova, akauya nemakombi matatu aive akazara nehama dzake ndokusvikondibikurira kundirova.

“Paanenge auya ipapo, anonditukirira zvinonyadzisa zvekuti handichina mufaro mumamana mandinogara zvekuti vamwe vave kundiseka. Achindituka kudaro, vamwe vake vanenge vachimukurudzira pamwe chete nekundiseka. Handizive kuti mukuwasha uyu munhu akaita sei chaizvo?” vakadaro ambuya ava.  Akati akambomhan’ara nyaya yekurohwa kwake nemukuwasha kumapurisa asi vakati vaende vanotaurirana.

“Ndakanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa vakanditi endai munotaurirana asi wekutaura naye wacho ndiye pasina. Ndinokumbira dare kuti rindidzivirirewo kubva kumaitiro emukwasha wangu ekundirova, kunditukirira nekuuya nevanhu vake achisvikoita mhirizhonga pamba pangu,” akadaro Magarambira.

Ndawana akaudza dare kuti ambuya vake havana hunhu sezvo vachimuudza kuti mwana waanoti ndewake haazi wake asi wemumwewo murume.

“Ndini ndingadai ndiri kutaurira dare rino kuti ndatambiswa nhova naamai ava. Vanonditaurira kuti handisirini baba vemwana, vane simba here rekutaura izvozvo iye mwana wavo aripo?

“Ndakaenda kumba kwavo masikati kwete pakati pehusiku sezvavareva muno mudare. Ndaiva nechinangwa chekutora mwana wangu wavari kugara naye asi vakamurambira.

“Fungai kuti mwana wangu haasi kuenda kuchikoro asi ndakamubhadharira kekutanga ndichiti ngaaende kuchikoro asi havana kumuendesa. Ndakabhadhara kechipiri asi vakangoramba vakagara naye. Ndosaka ndakati nditore mwana wangu,” akadaro Ndawana.

Akati akabvunza aimbove mukadzi wake pamusoro penyaya inotaurwa naamai vake yekuti mwana haazi wake iye ndokuti ndiye anoziva baba vake.

“Pavakandiudza kuti mwana haasi wangu ndakafonera mwana wavo ndichimuudza kuti amai vake ndizvo zvavari kutaura asi iye akatowedzera achiti kana mwana akabuda muura make ndiye anoziva muridzi wemwana uye akati akagadzirira kuenda neni kuDNA test kuti andiratidze kuti mwana haasi wangu.

“Handina dambudziko kana vakati ndisavarove kana kuvatuka nekuti ndagara handivarove,” akadaro Ndawana.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Magarambira gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey