Uncategorized

Murwere weitsvo okumbira rubatsiro

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wemuHarare atambudzwa nedenda reitsvo dzake idzo dzose dzisisashande uye ari kukumbira rubatsiro kune vane tsiyo nyoro kuti akwanise kurapwa.Stanford Gurure (31) wepanhamba 9713 Mazvikadeyi Road, Budiriro 5A, anoti anetseka zvikuru nekuda kwekusashanda kweitsvo dzake.

Kuti Gurure anorapwa kunyika yeIndia, anoda kubatsirwa nemari inosvaika US$20 000 iyo yaasina sezvo asingashande uye vabereki vake vanogara kumaruwa kwaMurehwa.

“Ndiri panguva yakaoma, iko zvino ndave nemasvondo maviri ndisina kuenda kunodhirenwa tsvina yemumuviri kuchipatara cheParirenyatwa (Group of Hospitals) nekuti kunodiwa US$90 pachikamu chimwe nechimwe.

“Uye ndine catheter (chubhu yekurasa nayo mvura) iyo yandakaiswa inoda kubviswa kuti paiswe imwe itsva inogarapo zvachose. Tsaru yandinayo yatoshata zvekuti yave kundirwadza zvakanyanya saka panodiwa US$500 kuchizoti US$700 yachiremba anoita basa racho. Pamwedzi panodiwa US$1 080 yekuti ndinge ndichidhirenwa tsvina mumuviri nemari yemapainzi matatu eropa anokosha US$135,” anodaro Gurure achiratidza kurwadziwa zvikuru.

Anoti mari yekurapwa iri kumuremera zvikuru sezvo iye asisashandi nekuda kwehurwere uye vabereki vake havashandi zvakare.

Amai vake, Mai Placky Zvidzai (56), vanoti dambudziko remwana wavo rakatanga mumwedzi waKukadzi gore rino apo aishandira kuSouth Africa. “Stanford anonzi akatanga achingorutsa achipera simba achibva amborapwa kuSouth Africa kunova kwaakaziviswa kuti itsvo dzake hadzichashanda zvichikonzerwa nekukwira kwaiita BP neshuga yake kwenguva refu.

Iye haaiziva kuti ane zvirwere zviviri izvi.

Iko zvino ari pamapiritsi eBP asi anoda zvakare kudya kwakatarwa nemachiremba kunoenderana neitsvo dzake,” vanodaro.

Pari zvino Gurure akazvimba tsoka, kumeso nemuviri nekuda kwekushaya mari yekunobviswa mvura ine tsvina mumuviri kuchipatara cheParirenyatwa.

Vangade kubatsira Gurure vanokwanisa kuchaya nhare dzinoti 0775 814 129 dzemunin’ina wake, Raymond Gurure. Vanogonawo kutumira mari neEcocash panhamba idzodzi kana dzekubanga raanoshandisa reSteward Bank dzinoti 1002291742.

Munogona zvakare kufonera Charity December hanzvadzi yake panhamba dzinoti 0733703566.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey