Uncategorized

Musoja akarovha kudare

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUMWE murume anoshanda muchiuto kuBrad Barracks, kuBulawayo, pamwe nemudzimai wake, vose vakarovha kudare apo paifanirwa kutongwa nyaya yavo yekusabhadharwa kwemari yemendenenzi nemurume uyu zvikaita nyaya yavo imbosendekwa padivi neChitungwiza Magistrate’s Courts.

Juliet Dakwa akange amhan’ara kudare iri achiti murume wake, Demasi Shumba Mukasi, haasi kubvisa mari yakatemwa nedare yekuchengeta mwana wavo ane makore 13 okuzvarwa uyo ari kudzidza paJonasi Primary School, kwaSeke.

Dare rakaziviswa kuti Mukasi ave nechikwereti cheUS$185 uye ari kusungirwa kuti ange achibhadhara US$65 pamwedzi yekuchengeta mwana uyu.

Mukasi pamwe nemudzimai wake vose havana kuuya kudare svondo rapera apo nyaya yavo yaifanira kutongwa.

Mutongi Lazarus Murendo vakambosendeka kutongwa kwenyaya iyi padivi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey