Muswe wemombe inhapitapi

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Muswe wemombe inhapitapi

Kwayedza

NYAMA yemuswe wemombe mutakunazva chaiwo ndokunge ikakaringwa zvine hunyanzvi. Svondo rino tine imwezve nyanzvi pakukaringa, VaElard Taero (56), avo vanova mukuru wevanobika paRoots Restaurant iri muHarare vachitirondedzera mabikirwo emuswe wemombe.

Chekutanga, tenga nyama yemuswe wemombe muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo uye kazhinji inenge yakagadzirwa kare isisina mvere kana dehwe.

MAGADZIRIRO:

Tora nyama wocheka-cheka kuita zvidimbu uchishandisa muchina kana banga. Isai nyama mupoto ine mvura yakaringana wosiya zvichikwata dakara yaibva.

Kanda matomatisi akachekwa-chekwa zvakanaka nehanyanisi dzacho wosiya zvichiibva zvakasangana nemunyu wakakodzera pamwe nemafuta.

Kuitira kuti muto unge wakakorerera, unogona kuisa godzamuto (Royco) inoenderana nenyama. Kana ichinge yaibva inoonekwa nekutsvukirira kunenge kwakaita muto.

CHEKUDYISA:

Nyama yemuswe wemombe inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga, remapfunde kana mupunga une dovi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey