MUTSAI TENESI: WAYNE . . . ‘Zim iri kudzoka pamusoro’

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
MUTSAI TENESI: WAYNE . . . ‘Zim iri kudzoka pamusoro’ Wayne Black

Kwayedza

“BABA vangu ndinovatenda chose nekuti rutsigiro rwavo ndirwo rwakaita kuti ndive shasha yepasi rose mumutambo wetenesi,” anodaro Wayne Black, uyo akaita mukurumbira nekuhwinha mikombe yeWimbledon neUS Open mazuva aainge achapisa.

Panguva yaakatamba tenesi, Wayne aizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Shumba” uye aive muchikwata cheZimbabwe Davies Cup icho chakakunda Australia mugore ra1998.

Wayne akazvarirwa mumhuri ine mukurumbira mumutambo uyu sezvo baba vake, Don, vakamboutamba uye ndivo vaive murairidzi wake achikura.

Mukoma wake, Byron, igamba zvakare mumutambo uyu, uye vose vaive muchikwata cheTeam Zimbabwe.

Kozoti hanzvadzi yake, Cara, pari zvino achiri kutamba uye ndiye waakahwina naye mukombe weWimbledon mixed doubles muna2004.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, Wayne anoti achiri nedangariro dzakadzama dzekuhwina kwaakaita mikombe yose.

“Kuti ndisvike pandakasvika mumutambo wetenesi kuzvipira kwababa vangu avo vakashanda nesimba kuti ini nemukoma wangu pamwe nehanzvadzi yedu tive shasha. “Baba vedu vaishanda nesu zvakasimba mazuva ose, vachitidzidzisa pamwe nekutiratidza mimwe mitambo yakaita seWimbledon.

“Kusvika kwatakaita pamusoro pemutambo uyu inyaya yekushanda nesimba uye ndinokuridza vamwe vatambi vari kusimukira kuti ngavashande nesimba vagosvika kure,” anodaro Wayne.

Kubvira apo Wayne, Byron pamwe naKevin Ullyett vakasiya kutamba tenesi, mutambo uyu wakambodzikira zvikuru zvekuti Zimbabwe yange yokundikana kupinda mumakwikwi eDavies Cup.

Vatambi vazhinji vakambozama vanosanganisira Genius Chidzikwe naGwinyai Tongoona asi havana kusvika kure.

Zvisinei, Wayne anoti kunyangwe zvazvo mutambo uyu wakambenge wadzikira, wave kusimukira nekuda kwevatambi vakaita saBenjamin Lock, Mark Fynn naTakanyi Garanganga, avo anoti vane tarenda rinonwisa mvura.

Mushure mekupedza makore Zimbabwe isati yambosangana nezvikwata zvikuru mumutambo weDavies Cup, gore radarika yakatatsurana neBosnia mumutambo weEuro-Africa Zone uye Wayne akadzoka kuzotamba achibatsira chikwata ichi.

Anoti kusasimukira kuri kuita mutambo uyu inyaya yekuti hausi kukosheswa muzvikoro sezvo vadzidzi vazhinji vachikurudzirwa kutamba mimwe mitambo yakaita serugby, cricket nenhabvu.

“Tenesi zvayo kutaura chokwadi iri pasi asi iri kusimukira. Tikatsigira zvakasimba vakomana vanoti Benjamin Lock, Takanyi, Garanganga naMark Fynn tinosvika kure sekare.

“Tinofanirwa kuita mushandirapamwe nekuti ibasa redu tose kuti mutambo uyu usimukire uye kubudirira kwavo kubudirira kwenyika.

“Tenesi ngaitambwe zvakasimba muzvikoro sezvinoitwa mimwe mitambo inoti rugby, cricket nenhabvu,” anodaro Wayne.

Kubvira zvaakaregera kutamba tenesi, Wayne ari kudzidzisa mutambo uyu pachikoro cheFalcon College, kuBulawayo, kozoti mukoma wake Byron ave kugara kuSouth Africa uko ave kuita zvekurima.

Kunyangwe hazvo Cara ari iye oga asara achitamba, Wayne anoti pari zvino pari kubikwa chimwe chikwata chemumhuri mavo chichazotamba mutambo uyu mune ramangwana.

Vana vake vaviri vari kutamba tenesi uye Wayne ndiye anovarairidza kozoti vanakomana vaByron vari kuSouth Africa vari kutambawo tenesi.

“Kubvira kare, mhuri yekwaBlack inozovikanwa netenesi kubva kuvabereki vedu, kozoti ini namukoma Byron nehanzvadzi yedu Clara. Iye zvino vana vangu nevaByron vari kutamba mutambo uyu uye tine chishuwo chekuti vachazoita mukurumbira sewatakaita panguva yedu,” anodaro Wayne.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey