Mutunga Dzose riri kuita $1

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Mutunga Dzose riri kuita $1 Leonard Zhakata

Kwayedza

Leonard Zhakata

Leonard Zhakata

MUIMBI ane mukurumbira, “baba” vemusambo weZora Music – Leonard Zhakata – akabvumirana nekambani huru yezvenhau yeZimpapers, kuti itengese dambarefu rake idzva rinonzi Mutunga Dzose iro raachaparura neChishanu chino.Vanotengesa mapepanhau eZimpapers vachange vachitengesawo dambarefu iri.

Izvi zvichaita kuti vanhu vanofarira musambo weZora Music vakwanise kuwana dambarefu iri kunzvimbo dzakawanda dzenyika.

Izvi zvinotarisirwawo kuderedza dambudziko rekutengeswa kwemimhanzi yemuimbi uyu pamusika wemukoto.

Zhakata anoti dambarefu rake idzva iri richatengeswa ne$1.

“Dambarefu iri rine dzidziso yakadzama isingafanirwe kushaikwa nevanhu, saka nemutengo uyu wakaderera,” anodaro.

Dambarefu iri, rinove rechi21, richaparurwa kuHarare International Conference Centre apo Zhakata achange achitsigirwa nevambi vanoti Alick Macheso, Suluman Chimbetu, Peter Moyo pamwe naTinashe Magacha.

Richawanikwa kunzvimbo dzinotengeswa mapepanhau eZimpapers kumativi ose enyika kusanganisira muHarare, Kwekwe, Redcliffe, Bindura, Rushinga, Bulawayo, Mutare, Masvingo, Chimhanda nekumwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey