Mvura shoma: Edza kurima nyemba

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Mvura shoma: Edza kurima nyemba

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
KANA takatarisana nekunze kuri kunzi hakuna kumira zvakanaka panyaya yekunaya kwemvura, nyemba ndechimwe chezvirimwa chinokurudzirwa kuti varimi vabatane nacho kuitira kugadzirisa nyaya yegohwo nechikafu mukati mumvura shoma. Nyemba chirimwa chine mudzi unodzika pasi-pasi zvichibatsira kuti dzirarame mumvura shoma, uyezve ineibva nemwaka mupfupipi. Nyemba dzinogona kuibva ne250mm dzemvura inova mvura shomanana, uye dzinozviriritira muzuwa.

Nyemba ndechimwe chezvirimwa zvinofarirwa nevanhu vakawanda asi vasingadi kuchirima. Chirimwa ichi chakareruka uye hachidhure kuchirima asi dzichipa utano hwakanaka, kupedza nzara, kuunza mari mumhuri nekubatsira mukugadzirisa ivhu panyaya dze”crop rotation”.
Nyemba dzinoshandiswa mune zvakawandisa, kunyanyisa kudya kune utano kuvanhu nezvipfuyo.

MAMWE MABASA ENYEMBA:
Muriwo: Muriwo wenyemba unonzi munyemba. Kana uchidyiwa uri munyoro munotora mashizha acho matete, mobika sekubika kwamunoita miriwo mizhinji yemashizha. Munokwanisa zvakare kugadzira mufushwa nemashizha aya uyo wamunozodya pamberi kana kutengesa. Mashizha aya anoshandiswa zvakare kugadzira mafuro ezvipfuyo.

Nyemba: Nyemba ndivo vana vanoberekwa idzo dzinogona kubikwa dziri nyoro semuriwo kana mutakura uyo unonaka zvikuru zvekuti munhu anoswera achinwa mvura. Nyemba dzinobikiswa rupiza, kuitwa muriwo kana kutengeswa.

Chirimwa chacho: Nyemba ine mudzi unodzika pasi-pasi, uyo unobatsira kupedzisa hudyo hunenge hwasarira muvhu, uyezve mudzi uyu unoita kuti varimi vawane chikafu munguva yekushaika kwemvura yekunaya yakawanda nokuti inokwanisa kurarama mumvura shoma. Mudzi wenyemba zvakare unobatsira kubvarura ivhu kusvika kusingasvikwe negejo pakurima, izvo zvinoita kuti mvura kana ichinge yonaya inotevedzera nzira yemudzi uyu yodzika pasi.

Chirimwa ichi chiri muchikwata meizvo zvirimwa zvinonzi ma”legumes”. Izvi zvirimwa zvinogadzira kudya kwezvirimwa kunonzi “nitrogen”. Nitrogen ndiyo fetiriza ye”top” kana kuti AN iyo inopa zvirimwa kusvibira kuti zvikure zviine utano. Asi kuti izvi zviitike, nyemba dzinofanirwa kudyarwa dzakaiswa “inoculant”.

Zvirwere netupembenene zvinobata nyemba zvakasiyana nezvinobata zvimwe zvirimwa nekudaro nyemba dzinobatsira kupedza zvirwere netupembenene muzvimwe zvirimwa. Saka nyemba dzinobatsira zvikuru mukukavanisa zvirimwa (crop rotation).

MARIMIRWO ENYEMBA:
Nyemba dzinokwanisa kukupa gohwo rinosvika matani matatu pahekita (3 tons/ha) kana dzichinge dzarimwa zvakanaka. MuZimbabwe tine mhando dzinotevera dzenyemba: CBC1, CBC2, CBC3 neIT18.

Nyemba dzinoda ivhu chero asi rinenge rakatarisirwa kuti rakadzika uyezve risingajenge mvura. Ivhu renyemba rinofanira kunge riine pH iri pakati pe6.0 ne7.0 uye dzakanakira kuti munokwanisa kudzidyara mapedza mamwe mabasa kupera kwaMbudzi (November) kusvika kupera kwaNdira (January).

Pane mhando mbiri dzenyemba. Nyemba dzinokura dzichiita chimuti saka dzinoda mbeu inokwana 40kg pahekita. Munodyara 45cm kubva pamutsara kuenda pamutsara uye 15cm kubva pambeu kuenda pambeu (45cm x 15cm). Idzo dzinokura dzichitambarara saka dzinoda ma15kg pahekita. Munodyara muchiti 180cm kubva pamutsara kuenda pamutsara ne15cm kubva pambeu kuenda pambeu (180cm x 15cm).

Munokurudzirwa kuisa mushonga unonzi Thiram mumbeu musati madyara kuitira kudzivirira chirwere chekuora nechemashizha. Nyemba dzinoda kurimwa nefetiriza yepasi inokwana inosvika 200kg yeCoumpound L kana M pahekita (200kg/ha). Nyemba ine hutsanana nekudaro sora rinofanira kubviswa richangomera. Chirimwa ichi hachiibvirane pamwe chete, padzinde rimwe chete munoona kuti nyemba dzichatanga kuibva dzepasi dzichikwira nekudaro dzaibva dzinofanira kukohwewa kana dzichinge dzaoma kusvikira dzapera kunhongwa dzose.

Nyemba dzinochengeteka zvakanaka kwenguwa refu mumasaga erudzi rwe”hessian”, moisa mushonga vezvipfukuto.

MAKWIKWI:
Mubvunzo wesvondo rino: Nyemba dzinokwanisa kukura mumvura yakawanda sei mumwaka?
Nyorerai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvose zvinodiwa. Kuti muzive zvakawanda, ridzai nhare dzinoti 0773 296 072.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey