NAC yobatsira kurwisa gomarara

26 Jul, 2023 - 13:07 0 Views
NAC yobatsira kurwisa gomarara VaRaymond Yekeye

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) riri kushanda pamwe chete nerePopulation Solutions for Health, Diagnostic Laboratory Suppliers uye Qiagen mukuwaniswa veruzhinji rubatsiro rwepachena rwekuvhenekwa HIV nezvirwere zvegomarara rechibereko uye reduriro kuvarume.

Izvi zviri kuitwa pasi pechirongwa chemitambo yegorofu yemadzimai yeZimbabwe Ladies Golf Union (ZLGU) iyo yakaparurwa kuChapman Golf Club muguta reHarare svondo rapera.

Chirwere chegomarara rechibereko idambudziko guru munyika uye pachirongwa ichi madzimai nevasikana vari kuwaniswa midziyo yekuzvivheneka voga (Cervical Cancer Self- Testing kits) zvinova zvicharerutsira vanhukadzi vakawanda avo vanogarotyira kure kunovhenekwa.

“Tiri kupa rubatsiro rwekuvhenekwa kwegomarara kumadzimai pachena zvichifambirana nehurongwa hweWorld Health Organisation mukurwisa gomarara rechibereko. Kuvhenekwa kwegomarara kuri nyore, hakurwadzi uye zvakakosha kuti munhu azive paamire.

“Kana vanhu vakakurumidza kuvhenekwa gomarara, zvinoitawo nyore mukurapwa kwavo nekuti rinenge risati rakomba zvekuti rinotorapwa richipera,” vanodaro VaRaymond Yekeye vanova operations director kuNAC.

Vanoti veruzhinji vachange vachivhenekwa zvekare zvirwere zvakadai seHIV, shuga, Bp nekuitiswa mitambo inosimbisa muviri.

Zimbabwe yakazadzikisa zvinangwa zvayo zve95-95-95 Target zvekurwisa HIV.

“Madzimai akawanda mazuva ano ava kushanda saka nguva zhinji vanenge vari kumabasa zvinoita kuti vakundikane kuwana mikana yekunovhenekwa zvirwere zvegomarara nezvimwe zvinotambudza. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vazhinji vane hutachiona hweHIV vane mukana wakakura wekubatwa nezvirwere zvegomarara nokudaro vanofanira kugara vachivhenekwa nguva nenguva,” vanodaro.

Mai Magaret Vera, avo vanova mutungamiriri weZLGU, vanoti vane tarisiro yekuti vanhukadzi vakawanda vachabatsirika nechirongwa ichi.

Gore rapera, madzimai anodarika 1 000 akavhenekwa chirwere chegomarara pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey