Uncategorized

‘Ndakarohwa nevaroyi’‘. . . ndikafuma ndava bofu’

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Ndakarohwa nevaroyi’‘. . . ndikafuma ndava bofu’ Knowledge Vambe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA izere nekushamisa, pane murume wekwaNyashanu, kuBuhera, ari kuti nguva yadarika akarara husiku hwose achirohwa nevanhu vainge vasina kupfeka avo vaanoti varoyi, iye ndokuzofuma ave bofu.

Kubva musi uyu kusvika zvino, murume uyu anoti ari kurarama nehupofu.

Knowledge Vambe (36) wemubhuku raHazvinavarwi, kwaBhidhiri, kunzvimbo yekuMavangwe, anoti munguva pfupi yadarika apo aiva kumusha abva kubasa kwaaishanda kuGweru, akangoerekana ave kuona mazigadzi marefu maviri uye asina kupfeka ava kumurova.

“Dambudziko rangu rakasiyana nerevamwe nekuti vamwe vanotanga varwara nemaziso vozogumisira vava mapofu. Ini ndakabva kubasa kwangu mushe-mushe ndokusiya mudzimai ikoko, uko anoshandawo.

“Ndakarara kuma11 dzehusiku, ndakazoona mazigadzi aiva ari musvo avo vakangosvikotanga kundidhonza pamubhedha ndokundiburitsa nepamusiwo ndikashaya kuti vaiva vavhura sei gonhi. Vakatanga kundirova zvakasimba nembama nezvimiti zvaiita kunge mawoko evanhu akadamburwa,” anodaro.

Pavakadzi ava panonzi hapana aitaura asi vaingoridza tsamwa chete uye pamwe pacho vaimurova vakamugara matunduru kana kuti musoro. Anotizve akazvuzvurudzwa muvhu asina kupfeka semunhu akatorwa arere.

“Kubva kuma11 dakara kunze kwaedza, vakadzi ava vaingondirova apo ndakatanga ndichachema kusvikira ndakanyarara. Vakazondisiya ndarukutika apo pakauya zvimwe zvimhuka zvidiki zvaingotenderera pandaiva. Ndakazokambaira ndikadzokera mumba,” anodaro Knowledge. Murume uyu anoti aiva oga mumba umu apo akasangana nemashiripiti aya.

“Mumusha mandinobva mune vanhu vakawanda uye pakaitika izvi vainge varere asi vose vanoti havana kundinzwa pandairohwa ndichichema.”

Knowledge anoti pakaenda varoyi ava vachitevera zvimhuka zvakanga zvasvika vachimurova, akazoonawo shiri nechimhuka zvakabhururuka nepameso pake, pashure achibva angoita bofu.

“Shiri hombe nemhuka ingaita sembudzi kana mhembwe zvakadarika zvose zvichibhururuka nepameso pangu chinhambwe chingangoita mita imwe chete kubva pandaiva. Shiri ndiyo yaiva mberi, mhuka iri kumashure asi mhuka iyi yaisava nemapapiro asi ichibhururuka,” anodaro.

Shiri nechimhuka izvi zvichingodarika, anodaro Knowledge, akaona moto mumaziso ake ayo akatanga kupisa achibva angopofomara.

“Ndiwo musi wandakapedzisira kuona ndichibva ndaziva kuti hupofu hwaunzwa nevanhu vandirova vari musvo. Ndaedza kutsvaga vangandibatsire asi hapana chiri kufamba. Basa ndakaburitswa, mudzimai wangu Theresa Mangena ndiye asara achishanda asi zvinomukurirawo nekuti tine vana vanoda kuriritirwa. Ndinomutenda zvikuru nekuramba amire neni mumatambudziko nemiyedzo yakadai iyi,” anodaro.

Munin’ina wake, Ivern Vambe (26) – uyo anogara ikoko kuBuhera – anotsinhira nyaya iyi.

“Ndaisavako kumusha asi ndakazongonzwa kuti mukoma varara vachirwa nevaroyi vakazoona zvimwe zvinhu zvaiita seshiri nemhuka zvaibhururuka. Ndipo pavakabva vafuma vave bofu. Semhuri, tiri kufamba nekubatsirana namukoma asi hapana chiri kusanduka,” anodaro.

Ivern anoti mukoma vake apo airohwa nevanhu vanofungirwa kuti varoyi ava, akazosara achibuda misodzi mumaziso nefuro mukanwa.

Gladys Maradzika (30), uyo anova muramu waKnowledge mukadzi wemukoma wake, anoti chiitiko ichi chavasiya vazere nekushamisika zvose nekutya.

“Zviri pachena, muramu wangu akavhiringwa nevaroyi. Tinozvishaya kuti akatadzeiko kuvanhu ava. Taneta nekufamba tichiedza kumubatsira asi zvichiramba, dai zvaita adzokere kubasa, aisizvishandira mufunge,” vanodaro.

Knowledge anoti kwaanofamba  anonzi maziso ake akatorwa nevaroyi akaiswa pazvinhu zvavanoshandisa pakuroya zvakaita semhuka.

“Ndinonzi ndakatorerwa maziso nevaroyi vakaaisa pamhuka dzavanoshandisa mukushereketa. Hamheno kuti zvidhoma here kana kuti chii, zvichida mazizi,” anodaro Knowledge.

Asi VaPatrick Kapfunde avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni (46) vekwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti Knowledge anoda kugezeswa maziso ake nemishonga yechivanhu senzira yekubvisa hunye hwakasiiwamo.

“Zvaida kuti mushure memazuva mashoma, angadai akagezwa nemishonga yechivanhu – aikwanisa kuona. Zvino handichaziva sezvo atora nguva akadaro kuti zvichaita here.

“Zvave kuda machiremba echivanhu nemaporofita kuti tibatsire murume uyu,” vanodaro.

Vanoda kubatsira Knowledge vanokwanisa kumubata panhamba dzinoti 0715 832 634 kana 0785 006 769.

Munyaya ingada kufanana neino, gore rapera mumwe murume wekwaMusami, kwaMurehwa, uyo aishanda semugaisi anonzi akarohwa zvakaomarara nemazigadzi maviri ayo ainge asina kupfeka apo vakasangana pamhararano yemigwagwa, murume uyu ndokuzofa mushure memazuva.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey