Uncategorized

‘Ndine aids asi wandinodanana naye ari murima’

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

SANGANO reNational Aids Council rinoti nzvimbo yeNgundu, kuMasvingo, ndiyo yedzimwe dziri kutsviriridza nenyaya dzechipfambi Zimbabwe yose izvo zviri kukonzera kuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde.

Mashoko aya akataurwa naNAC Masvingo Provincial Co-ordinator, VaEvos Makoni apo vakaita mutambo wekushambadza kudzivirirwa kwezvirwere zvepabonde paNgundu nguva ichangodarika.

“Nzvimbo yeNgundu yanyanya kukurumbira panyaya dzechipfambi mudunhu reMasvingo. Chikonzero chikuru ndechekuti panopfuura nemotokari dzinobva nekuenda kunyika dzakasiyana. “Ndipo panorarira vamwe vatyairi vakawanda vemagonyeti vachizosimudzira nzendo dzavo.

‘‘Izvi zviri kubva zvakwezva chipfambi chakanyanya. Vamwe vari kubata zvirwere zvepabonde zvimwe zvinozokonzeresa kuti munhu atapurirwe utachiona hweHIV,” vakadaro VaMakoni.

Vanoti zvakakosha kuti vagari vemunzvimbo dzakadai vapihwe dzidziso yakasimba pamusoro pekudzivirira kutapurirwa zviwere zvepabonde.

“Vanhu vanopinda pabonde vasina kuzvidzivirira vanozviisa panjodzi huru yekuti vanogona kutapurirana utachiona hweHIV. Chishuviro chedu seNAC ndechekuti chero chipfambi riri basa kune vamwe vanhu, ngavave neruzivo rwekuti vanofanira kuzvidzivirira.”

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vanhukadzi vanoita zvechipfambi apo mumwe wavo anozivikanwa nekuti Jane akati kusangana nemurume pabonde asina kudzivirira ndizvo zvinomupa mari yakawanda.

“Kuti zvinhu zvitofamba ndinofanira kusangana nemurume ndisina kudzivirira, ndiko kuti mari ibude yakawanda. Kusangana nemurume ndakadzivirira ndinopihwa $20 asi kana ndisina kudzivirira ndinowana $50. Kana zviri zvenguva diki ndinowana $5 ndakadzivirira asi kana ndisina ndinowana $20.

“Ini ndakabatwa kuti ndine chirwere cheAids, ndine murume wemunhu wandiri kudanana naye asi iye haazvizivi. Pandakambotaura naye nenyaya yekuongororwa ropa akati akangozvibata kuti ane chirwere anondiisa nyere mumusoro,” akadaro.

Mumwe wevasikana ava (zita tinaro) vanoshandira paNgundu vachiita zvechipfambi anoti zvipfeko zvake zvakatsiga zvekuti vanhu vanomuona havafungidziri kuti ndizvo zvaanoita.

“Kupfeka kwangu kunotondibhadhara ikoku. Vamwe vasikana vanopfeka tugwishu twehembe asi ini ndinopfeka dzakareba.

“Ndine murume wandiri kudanana naye ari kuti anoda kundiroora uye ndine mwana mumwe chete. Mwana wangu haazivi kuti ndinoita zvechipfambi chero murume wandinaye. Anotoenda kumasowe dzimwe nguva tomboenda tose.

“Pandinenge ndisinaye ndinotomboenda nevamwe varume kana kuSouth Africa nemagonyeti.

‘‘Pasipoti yangu inogara yakatogadzirirwa kuti ndikangowana ari kuda kuenda neni toenda. Ndozoregera zvechipfambi kana murume wandiri kuronga naye zvekuroora andibvisira pfuma.

“Ndine Aids uye ndinomwa mapiritsi. Murume wandiri kuda kuroorana naye anacho asi ari kundivanzira uye ndikamuti titariswe ropa anonzvenga-zvenga,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey