Uncategorized

‘Ndine mimba yamufundisi’

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Ndine mimba yamufundisi’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUFUNDISI weSalvation Army anoshandira kwaChivero, kuMhondoro ari kupomerwa kumitisa mumwe musikana wemuchechi iyi uyo anonzi anomuita hanzvadzi.

Captain Misayi Shiri (43) wepachechi yeMarowa Corps ari kunzi ndiye muridzi wemimba ina Luckshine Bindu (22) iyo pari zvino yave kusvika mwedzi mishanu.

Captain Shiri ane mudzimai, Mufundisi Abigail Shiri (35), uye ari kunzi ane hukama husiri hwepedyo naLuckshine. Luckshine anonzi ange achigara nemhuri yaCaptain Shiri achivachengetera mwana wavo ane makore matatu okuberekwa.

Paakabvunzwa neKwayedza nezvenyaya iyi, Captain Shiri akaramba kutaura nezvayo achiti mutemo webasa haumutendere kutaura nevatori venhau. Zvisinei, Luckshine anoti anodanana naCaptain Shiri uye mufundisi uyu ndiye akamupa pamuviri.

Nekune rimwe divi, Mai Sarah Bindu (43), avo vanova ambuya vaLuckshine uye vachipinda chechi imwe chete iyi vanotsinhira kuti muzukuru wavo akatakura pamuviri paCaptain Shiri.

MUFUNDISI SHIRI

“(Mufundisi) vakakumbira mwana uyu kuna ambuya nasekuru avo anogara navo, apo akanga achangobva kuBotswana uko kuna amai vake, Portia Bindu. Kubvira ipapo, mumwedzi waNdira vakabva vatanga kudanana,” vanodaro Mai Sarah Bindu.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti kwava nemwedzi gure iri rakafumuka.

Vemhuri yekwaBindu vanonzi vakaenda kuna Captain Shiri uyo wavanoti akabvuma kuti pamuviri pana Luckshine ndepake uye kuti anoda kubvisa mari yedhemenji chete.

“Mhuri yedu yakanotaura naCaptain Shiri uyo akabvuma mhosva yake tikawirirana kuti azobhadhara $700 yedhemenji, zvisinei nekuti vemhuri yedu vaida $1 200. Zvadaro, mufundisi uyu akati achabhadhara mari iyi kupera kwaJuly (Chikunguru) uno,” vanodaro.

VaKennedy Bindu (47), avo vanova Assistant Corps Sergeant Major muchechi iyi, VaOnward Bindu nedzimwe hama dzemusikana uyu vachigara mubhuku raChakavanda vanonzi vakapindira munyaya iyi vachida kuti Captain Shiri apihwe musikana uyu.

Captain Shiri anonzi paakagara dare renyaya iyi nevemhuri yekwaBindu, akashevedzawo mukuru wechechi yake kuMhondoro, (sectional leader), uyo akangodomwa saCaptain Maponga ari zvakare mufundisi kuchechi yekuchikoro cheShirichena Primary.

Mudare iri, zvinonzi Captain Shiri vakabvuma kuti vakashinha naLuckshine. Zvinonzi pane chibvumirano chakanyoreranwa pakati pemativi maviri aya, chinoti Captain Shiri aizobvisa mari yedhemenji nekuzochengeta nhumbu ina Luckshine kusvikira yasunungukwa uye mwana achazvarwa.

Musikana uyu anonzi akazopihwa mari naambuya vake yekunonyoresa pamuviri apa kukiriniki yeMhondoro North.

“Izvozvi muzukuru wedu haana mateneti kana gadziriro zvayo, idambudziko rakauya mumusha iri. Takatomunyoresa musi weChitatu svondo rakapera paseri,” vanodaro Mai Sarah Bindu.

Luckshine anoti anodanana naCaptain Shiri.

“Ichokwadi, ndine nhumbu yamufundisi ava plus vasambozviramba zvavo. Takatanga kudanana gore rino muna January (Ndira). Mimba iyi inogona kunge yakabatira kana mumba mavo, mugomo kana mumasango uko taisasana.

“Taingotamba pasina zvekuti taizoda kuroorana. Asi pekutanga ndakamboramba ndichiti zvaizozivikanwa naMai Mufundisi iye akati hatimbobatwa,” anodaro Luckshine.

Musikana uyu anoti Captain Shiri hapana chaari kumbotaura nekuda kwegadziriro yenhumbu yake.

“Kwasara mwedzi mina kuti pamiviri apa pasunungukwe, asi hapana chakagadzirirwa, chivimbiso chavo havasi kuchitevedza. Ndinoda kuenda kumachiremba kuti zvinoonekwa kuti mwana akagara zvakanaka here. Mwana ndinomuda asi handidi kuroorwa namufundisi ava nekuti vane mukadzi wavo.”

Luckshine anoti nyaya iyi yakamukanganisa kudzokera kuBotswana kunotsvaga basa. VaMoses Chakavanda (75), vanova sekuru vaLuckshine avo vaanogara navo, vanoti vari kushushikana nekuda kwenyaya iyi.

“Captain Shiri akabvuma kuti nhumbu ndeyake, takataurirana naye pamwe chete naCaptain Maponga uyo akazviti muyananisi. Aakati aizounza $700 yedhemenji mukupera kwaJuly izvo takamirira.

“Asi tiri kunzwa kuti mufundisi uyu nemudzimai wake vave kuda kubviswa kuno kuendeswa kuChiweshe,” vanodaro.

Sekuru vaLuckshine ava vanoenderera mberi vachiti: “Ndinoda kuti achengete nhumbu yake kusvikira yasunungukwa nekuchengetazve mwana kusvika akura pamwe nekubhadhara mari yedhemenji.”

VaBindu vanoti vakatorega kuenda kuchechi yeSalvation Army iyi nekuda kwenyaya iyi.

“Akauya pano achikumbira mwana uyu – uyo waanoita hanzvadzi paukama hwedu – tikamupa. Asi iye ave kunopa mwana nhumbu, ndiko kunamata here ikoko? Imo mumusha muno mune vamwe vana vemamwe mafundisi akabva pachechi iyi kare. Tine mumwe akawanikwa arere nemudzimai wemunhu murwizi. Tovharisa chechi here kuno? Apa ndiyo yatakakura tichipinda,” vanodaro VaBindu vachiratidza kugumbuka.

Vanoti vanorwadziwa zvikuru nemamwe mashoko ekutuka mhuri yekwaBindu.

“Kwakatumirwa mashoko panharembozha yemumwe wevana vedu ekutuka isu nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mbuya Violet Bindu (71), vanoti zvinonyadzisa kuti mufundisi anonenerwa kumitisa mwana wemuchechi.

“Captain Shiri anobva kuMbire, kuGuruve kunobvawo ambuya vangu. Saka hukama hwedu ndehwekuti iye muzukuru wangu Luckshine ihanzvadzi yake kubva panhoroondo yekuvaMbire kwandinozvarwa. Ndingatoti akaita makunakuna mufundisi uyu,” vanodaro.

Captain Shiri vakazoridzira Luckshine nhare vanzwa runyerekupe rwekuti vaitsvagwa neKwayedza vachimutsindidza kuti asataure nevatori venhau asi havana kuziva kuti panguva iyi hurukuro yaitova pakati nemusikana uyu.

Pakasvika vatori venhau pachikoro cheMarowa Primary neChitatu svondo rakapera, vakawana Captain Shiri nemudzimai wavo vasipo vachinzi vaenda kumusangano wemafundisi kuWaterfalls, kuHarare.

Kwayedza yakazoridzira Captain Shiri nhare ichida kunzwa divi ravo panyaya iyi, asi akaramba kutaura zvakawanda.

“Handibvumidzwe kutaura nemi, endai ikoko kune vanhu vakakuzivisai nyaya iyi. Handina zvimwe, uye mukaramba zvenyu muri pafoni handidzime, ndinongoramba ndakanyarara, handikukatei nekuti ndinonamata,” anodaro Captain Shiri.

Munyori kuchikamu chinodyidzana neruzhinji kumuzinda mukuru wechechi yeSalvation Army muHarare, Captain Victor Mafukidze, vanoti: “Nyaya iyi yanga isati yasvika kwatiri sechechi. Saka zvava kureva kuti tave kutotuma vanhu izvozvi kuMhondoro kwacho kunotsvaga zviripo. Vanhu vanofanirwa kuzvimirira munyaya dzavo kwete kusvibisa chechi nekuti iye Shiri ndiye anonzi akamitisa musikana uyu kwete chechi.” Vanoti zvagara zvange zviri muhurongwa kuti Captain Shiri abviswe kuMhondoro achiendeswa kuChiweshe, achitsiviwa naCaptain Joseph Nyamuzihwa nemudzimai wavo Captain Francisca Nyamuzihwa. Nguva nenguva tinochinja mafundisi edu tichivatenderedza nzvimbo nenzvimbo zvinova izvo zviri kutanga kuitwa izvozvi kunzvimbo dzose, kwete zvekuti tave kutizisa mufundisi ari kwaMarowa uyu nekuda kwenyaya iyi, kwete. Nyaya iyi yave kutotanga kuferefetwa,” vanodaro Captain Mafukidze.

Vanoti munyika yose, kune machechi eSalvation Army anodarika 400 ane mafundisi avo vanotarisira kuti vanofanira kupa mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji.

Zvakadai, Mambo Chivero, VaBrown Shopo vanoti vane hurongwa hwekushevedza Captain Shiri kudare ravo kuti vanzwe nyaya inonzi angangodaro akaita makunakuna iyi.

“Hatitarisire zvakadaro kumafundisi, dai vemhuri iyi vakakurumidza kumhan’ara nyaya iyi kwatiri. Anofanirwa kubvisa mombe dzemakunakuna nedzaanopa kumhuri yekwaBindu nekuti akanyangadza musikana uyu. Achazoroorwa yave mvana nekuda kwake uyewo asvibisa dunhu rangu. Kana achinge abva ndinosunga chechi yake yomuunza kuno,” vanodaro mambo ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey