Uncategorized

‘NDINODANANA NATEZVARA VANGU’ . . . vabereki vemuroora vanoda kuripwa R3 000

20 Jul, 2022 - 11:07 0 Views
‘NDINODANANA NATEZVARA VANGU’  . . . vabereki vemuroora vanoda kuripwa R3 000 Sekuru Muzenda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HARAHWA inogara kuVillage 2 yekuminda mirefu yeShangwa kuRinga, kuBeatrice iri kunenerwa kudanana zvekudanana zviya nemuroora wayo zvekusvika pakuitira zvimwe zvikomba zvake shanje.

Nekuda kwenyaya iyi, muroora uyu anonzi akatopfochomeswa kudzingwa pamusha patezvara ava ndokudzoserwa kumusha kwake kuChecheche kuChipinge.

Ukuwo, vabereki vemuroora uyu vanonzi vava kuda kutanga varipwa neR3 000 “yemabasa” akakoromorwa nemuroora natezvara iyi.

Sekuru Kenneth Muzenda (73) vari kubvuma pamberi peKwayedza kuti muroora wavo – Varaidzo Pasha (31) – ari kuti vanodanana asi ndokuramba nyaya yavari kupomerwa iyi.
Zvisinei, muroora uyu haasi kumbonyara kudura kuti anodanana natezvara vake zvekutopinda mumachira vose.

Simbarashe Muzenda

Sekuru Muzenda vanoti mashoko ekuti vanodanana nemuroora wavo akananga kusvibisa zita ravo mushure mekunge vamubatikidza nezvikomba.

“Muroora uyu akauya pano mwedzi waKurume gore rino anova mudzimai wemwanakomana wangu gotwe, Simbarashe Muzenda (31). Vairara muimba yemukati nemurume wake kusvikira ndakazoona kuti aitiza murume mumba achibuda nepahwindo achienda kuzvikomba inova nyaya yaakabvuma.

“Pakumubvunza, ndipo paakataura nyaya yekuti inini ndinodanana naye,” vanodaro Sekuru Muzenda.
Vanoti muroora wavo aitora mukana wekuti mwanakomana wavo anorwara nepfari zvekuti akakotsira haamuke nekukasika.

“Muroora uyu akatyora masimbi anovhara pamahwindo apo aisvetuka napo achienda kuzvikomba zvake kusanganisira mukomana aimbofudza mombe pano. Ndashayeiko kusvika pakudanana nemuroora?
“Ndaona kuti ari kundisvibisa, ndakabva ndamudzinga pano ndokumudzosera kumusha kwake kuChipinge,” vanodaro tezvara ava.

Hwindo rinonzi raipoya nemuroora

Vanoti muroora wavo akanosvikira kumwanasikana wavo, Grace Muzenda, anogara kuChecheche kuChipinge uko akazodarikidzwa kumwanakomana wavo sezvo vabereki vake vakaramba kumutambira nekuda kwenyaya yekunzi aiitwa mudzimai natezvara pamwe chete nemwanakomana wavo.

“Muroora uyu akauya pano semudzimai wemwana wangu achibva nekumwanasikana wangu ari ikoko kuChipinge. Zvino ndinonzwa kuti akanosvitsa nyaya yekuti ndinodanana naye kuvabereki vake avo vari kunzi vava kuti inyaya inoda kugarwa pasi tovaripa nekushandisa kwavanoti taiita mwana wavo kuti anodanana nemwana wangu, iniwo ndichinziwo ndinodanana naye.”

Pasha – achitaurwa naye panhare ari kwaMariya kuChipinge kunova kumba kwatete vake uko akakumbirirwa kuti ambogara mushure mekudzingwa kumba kwavatezvara vake – anotsinhira kuti aidanana navatezvara vake.

“Baba vakandipfimba tikadanana ndokutanga kuita zvose zvinoitwa nemurume nemudzimai vanodanana (mashoko ake haanyoreke mubepanhau remhuri) kakawanda uye pasina chavaindipa. Iyi inyaya iri kuzivikanwa kunyange nevanhu vose kuShangwa?

“Ndaivasanganisa baba zvose nemwana wavo tichinzvenga amai nemurume wangu. Zvakawanda huyai kuno titaure nekuti handikuzivei imi, inyaya yava kwashe kuno kwaMariya,” anodaro Pasha.
Kubva ipapo, haana kuzoda kutaura zvakawanda nemutori wenhau uno.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nehama dzaPasha.

Simbarashe Muzenda anotiwo nyaya yekuti baba vake vanodanana nemukadzi wake yakamurwadza zvikuru.
“Baba vangu nemukadzi wangu vane madhiri avaiita saka ini ndakazvisiyawo ndikati adzoserwe kumusha kwake kuChipinge. Zvakare, mukadzi uyu aigara achindirova saka handichamuda,” anodaro Simbarashe.

Mudzimai waSekuru Muzenda, Mbuya Judith Chirinda Muzenda (70), vanotiwo vakaenda kumasowe nemuroora wavo uko akanonzi areurure zvakaipa zvaaiita apo akazodura kuti anodanana natezvara vake.

“Nekudaro, muroora akazodura kuti anodanana nababa vepano, zvose nemwanakomana wedu. Pamusoro pezvo, akadurawo kuti aidanana nemumwe mukomana aifudza mombe pano anonzi Tinashe achiti vainosangana kudanga rembudzi nemuimba yekugezera umo anoti zvakare ndimo maaimbosanganiranawo navatezvara vake,” vanodaro Mbuya Muzenda.

Vanoti vakazoita hasha vakarova muroora uyu akadura zvakawanda pakudanana kwake navatezvara vake nezvimwe zvikomba achiti haagutsikane nemurume wake.

“Ndine nguva yandinobva pano pamba ndichienda kumasowe neimwe yandakaenda kunotoresa vamwe vana zvitupa. Muroora uyu navatezvara vake handina kumbobvira ndakavabatikidza. Dai ndakavaona mumwe ndaimuuraya nekuti kuzvibhakera ndinodaidzwa ndichidavira,” vanodaro Mbuya Muzenda.

Vanoti muroora wavo ainotaura kuchibhorani nyaya dzekusagutswa nemurume wake.

“Mwanakomana wedu anova gotwe murume wemukadzi uyu anorwara nepfari, muviri wake hauna simba nekudaro akaenda kuChipinge achinorapwa apo paakazodanana nemuroora uyu ndokuuya vose kuno,” vanodaro Mbuya Muzenda.

Vanoti vakadzinga muroora wavo nekuda kwenyaya idzi asi vabereki vake vari kuramba kumutambira vachiti vanoda kutanga varipwa R3 000.

“Paakabva kuno, akasvikira kumba kwemwana wedu Grace Muzenda ndokuzoendeswa kumba kwemwanakomana wedu, Sly Muzenda ari ikoko zvakare. Baba vari kuronga kutsvaga mari kuti vaende kunogadzirisa nyaya iyi kuti madzitezvara vatambire mwana wavo,” vanodaro Mbuya Muzenda.

Asi Sekuru Muzenda vanoti vari kuronga kutsvaga mari yekunoroora muroora wavo kwete kuti mukadzi wavo sezviri kutaurwa uyewo vachida kugadzirisa zita ravo ravanoti rasvibiswa.

Tinashe Makosha (18), uyo aimbova mufudzi wemombe pamusha wemhuri iyi, anotsinhira kuti anodanana naPasha.

“Ini ndinodanana nemukadzi uyu. Zvakatanga apo taisara toga pamba. Kazhinji tinoonerana mumba kana mu’change house’ yekugezera.

“Ivo Sekuru Muzenda ndakavaona kakawanda vachiita zvisirizvo nemuroora wavo uyu. Ini vaitondiitira shanje vachitikanganisa,” anodaro Makosha.

Tinashe Makosha

Mai Grace Muzenda (33), vanove vakatsvagira hanzvadzikomana yavo Pasha, vanotsinhirawo kuti muroora wavo anotaura mashoko ekuti anodanana nababa vemurume wake.

“Ini ndini ndakatsvagira mudzimai uyu hanzvadzi yangu Simbarashe semunhu anorwara. Nyaya yekudanana kwababa nemuroora wavo Varaidzo Pasha ndinoinzwa. Ivo vakatomudzinga kumusha ndokuuya kuno kwandiri uko ari mumaoko edu zvisinei nekuti ari kugara kwatete vake,” vanodaro Mai Grace Muzenda.

Vanoti muroora wavo akatomborohwa nehanzvadzi dzake nenyaya yekuti sei achidanana natezvara nemurume wake panguva imwe chete.

“Varaidzo Pasha akarohwa nevabereki vake nehanzvadzi dzake vachimuti aiitirei humbwa hwakadaro hwekudanana navatezvara nemwana wavo zvose. Muroora ari kutaura zvakare kuti mukomana wekuShangwa waanonzi anodanana naye, tezvara vake ndivo vakamupfimbira kuti ivo vagowana pekuhwanda napo.

“Asi anoti haana kumbobvira akadzika-dzika nekudanana nemukomana uyu sezvinotaurwa, Tinashe aingova mufudzi wemombe pamba pedu,” vanodaro.

Vanoti nyaya iyi yakasvitswa kwamambo wedunhu ravo uko yamirira kupinda mudare vachiti vakazobvisiswa R500 yekuti muroora wavo atambirwe kwavatete vake vachimirira kugadziriswa kwenyaya iyi kudare ramambo.

“Nyaya inonzi baba vakaita iyi yava kunditadzisa kugara nemurume wangu kuno, ‘relationship’ yangu yakanganisika. Baba vari kutora nyaya iyi seisina basa, murume wangu aindiitira zvose nekundipa mota ndichiita zvose.

“Asi izvozvi haachada nekuda kwenyaya iyi, ane zvaave kufungira. Takabvisa imwe R200 uyewo kwava kudiwa R3 000 yekunzi muroora uyu aishungurudzwa nababa nemwana wavo. Pane zvakawanda zvava kutaurwa.

“Takatopihwa mwedzi miviri yekugadzirisa nyaya iyi nemadzitezvara uye pakawanikwa pasina chaitwa inonzi ichaendeswa kumapurisa nekutorwa mamwe matanho. Baba havasi kuda kuuya kuno,” vanodaro Mai Grace Muzenda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey