Ndufu dzoongororwa

07 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Ndufu dzoongororwa Dr Mangwiro

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekuti nyanzvi dzezveutano dzipote dzchiongorora ndufu dzose dzemunharaunda nechinangwa chekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Danho iri riri kuuya apo kusvika nemusi weChina vanhu 34 171 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 27 759 vakatopona asi vamwe 1 288 vakafa.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Robert Mudyirandima, vanoti ndufu dzose dzinofanirwa kuongororwa nenyanzvi dzezveutano uye pachitevedzwa matanho ose ari maringe nekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Ndufu dzose dzinofanirwa kuongororwa panguva ino yechirwere cheCovid-19 nechinangwa chekuderedza kupararira kwedenda iri munharaunda,” vanodaro.

“Zvinotevera zvinofanirwa kuitwa, kushandisa sanitizer nekugeza maoko nemvura inomhanya uye ine sipo, kusaita chitsokotsoko nekupfeka mamasiki nenzira kwayo. Vanhu vanenge vakaungana havafanirwe kudarika 30,” vanodaro.

Dr Mudyirandima vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu havafanirwe kuungana husiku. Kubatana maoko nekumbundirana hazvifanirwe kuitwa zvachose.

“Ndufu dzinofanirwa kuitwa mukati menguva duku-duku. Panofanirwa kunyorwa mazita akazara evanhu, kero, zera, kuti vanhurume here kana kuti vanhukadzi nenhare dzevanhu vose vanenge vari parufu.”

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, nguva pfupi yadarika vakati kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa uye nekufa neCovid-19 kuri kukonzerwa nekufamba-famba kwakaita vanhu munyika yose panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Vanoti chirwere ichi chiri kunyanya kupararira zvichikonzerwawo nekuti veruzhinji havasisina hanya nekutevedzera matanho akatarwa ekuzvidzivirira kubva kudenda iri.

Dr Mangwiro vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere mitemo yakatarwa neWorld Health Organisation (WHO) uye kusaita chitsokotsoko, zvikuru nekuona kuti vanhu vanenge vari parufu havadarike 30.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey