Northern Region yotsvaga vakotsveri

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

SACHIGARO weNorthern Region Division One, Willard Manyengavana, anoti vari muhurukuro nechimwe chikwata chekuSouth Africa chinokwikwidza muAbsa Premiership kuti chigovakotsvera mwaka uri kutevera uye vapote vachitumira vatambi vavo kunyika iyi.

Northern Region Division One yave nemukurumbira wekubika vatambi vakawanda uye iri pamusoro pemamwe akaita seCentral, Southern neEastern Region mukutsvaga vakotsveri.

Achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika, Manyengavana akati Northern Region iri muhurukuro nechimwe chikwata chekuSouth Africa chakarakidza zvikuru kuti chinoda kutenga vamwe vatambi kubva kuzvikwata zvizhinji zvemuligi ravo.

Manyengavana anoti izvi zvichabatsira kusimudzira nhabvu yavo sezvo vatambi vese vachange vave kurwira kuda kufadza chikwata ichi kuti vagotengwa.

“Tinotarisira kuti ligi parinotanga tichange tichikotsverwa nechimwe chikwata chinokwikwidza kuSouth Africa muAbsa Premier League icho chakatizivisa kuti chinofarira nhabvu inotambwa muligi redu.

“Iye zvino hatisati tave kukwanisa kukuudzai zita racho sezvo tichiri muhurukuro pane zvatichiri kugadzirisa.

“Asi kana zvabudirira ndinovimba kuti zvichazarurira mikana kuvatambi vazhinji nekuti vanenge vave kuwaniswa mukana wekunotambira nhabvu yavo kuSouth Africa uye zvikwata zvavo zvinenge zvave kuwanawo mari nekuvatengesa,” akadaro Manyengavana.

Zvakadaro, Manyengavana anoti vari mushishi kugadzira mafambiro achaita mitambo yamwaka uno (fixtures) iyo inotararisirwa kutanga nguva inotevera.

“Parizvino tichiri kumbobika mafixtures egore rino, tinotarisira kuti nguva inotevera achange apera uye tinovimba mitambo yedu ichatanga panguva imwe chete ichatangawo yePSL,” akadaro Manyengavana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey