Nursel onoridza kubhavhadhe raMalope

22 Jun, 2023 - 20:06 0 Views
Nursel onoridza kubhavhadhe raMalope Nursel

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero – Nursel Mandiopera – akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kupihwa kwaakaitwa mukana wekunoridza pamhemberero dzebhavhadhe raRebecca Malope idzo dzichaitirwa kuUnited Kingodom munaChikunguru.

Nursel, uyo anogara kuUK uko anoshanda achiita zvemhanzi, mumwe wevaimbi vacharidza pashoo yekupemberera zuva rakazvarwa shasha yekuimba iyi.

Achitaura ari kuUK, Nursel anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kuti agoridza pamhemberero dzemuimbi ane mukurumbira pasi rose akaita saMalope.

“Zvinokomborera kupihwa mukana mukuru wakaita seuyu, kushevedzwa kunzi ndizoridza pamhemberero dzekupembera muimbi akaita saRebecca Malope.

“Mhemberero idzi dziri kuitwa musi wa1 Chikunguru uye dzichaitirwa kuUK saka ndiri mumwe wevaimbi vacharidza pashoo iyi. Ndiri kufara kuti ndichawana mukana wekuridza pamhemberero dzaMalope saka ndichaushandisa kuti ndigodzidzawo zvakawanda kubva kuna Malope.

“Malope izita guru munyaya dzekuimba pasi rose saka ukawana mukana wekusvika pedyo naye unotofanirwa kudzidza chinhu chimwe chete kubva kwaari,” anodaro.

Nursel kubva zvaapinda mune zvemhanzi, akwanisa kutsikisa madambarefu mana anoti Like Heaven (2016), You are My God (2018), Living in Victory (2019) uye The Good News (2021) pamwe chete nenziyo dzakawanda.

Nursel

Vatsigiri vemhanzi vanonyanya kumuziva nenziyo dzinosanganisira Victory, Makomborero, Praise Him, I Believe naMira Ipapo.

Pari zvino Nursel anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechishanu.

“Ndakatotanga kubika dambarefu rangu idzva rechishanu iro rine nziyo dzakawanda, richange rine nziyo dzinogona kusvika 16.

“Dambarefu iri ndiri kuripa nguva yekuribika nekuti ndinoda kuti ringe rakazara nziyo dzinotapira zvikuru, dzine dzidziso inosvika kuvatsigiri vangu saka richatora nguva kuti ribude.

“Kuburitsa dambarefu rine nziyo 16 chinhu chikuru saka ndinoda chaizvo kuti parinobuda rigoshandura upenyu hwevanhu vakawanda,” anodaro Nursel.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey