Uncategorized

Nyakupondwa omuka

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Nyakupondwa omuka Insp Dhewu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA ekuMashonaland Central ari kuferefeta nyaya yemurume aibva kuNyanga uyo anonzi akapondwa mugore ra2012, ndokuvigwa pane rimwe purazi riri kuMazowe mudunhu iri, uyo anonzi mudzimu make wava kubuda pahama yake uchiti unoziva paakavigwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu iri, Assistant Inspector Fidelis Dhewu, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine nyaya inonzi yakaitika mugore ra2012 apo mweya wava kubuda uchitaura kuti kune munhu akapondwa mugore ra2012 ainzi James Sanyamavira aibva mubhuku raGohoto, kwaMambo Katerera, kuNyanga. Murume uyu anonzi akangoshaikwa pamba ndokutadza kuwanikwa apo hama dzake dzakazomhan’ara kumapurisa kuti vainge vashaya mumwe wavo,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Vanoti mumwedzi waMbudzi gore rino, Lizzy Maniche — asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa asi ari hama yemufi — anonzi akazotanga kusvikirwa nemweya wemushakabvu uchitaura kuti akafa nekupondwa.

“Mweya uyu uchibuda, unonzi wakati murume uyu akafa nekupondwa, mutumbi wake ndokuvigwa kuMazowe. Mweya uyu waitaura kuhama dzemufi kuti aida kuti mutumbi wake uvigwe zvine mutsigo.

“Nemusi wa24 Mbudzi, hama dzemufi uyu dzaisanganisira Samuel Sanyamavira (36), Lizzy Maniche naJohn Mahanya (42) vakaenda kuMazowe vachitungamirirwa nemweya uyu ndokunoratidzwa panonzi pane guva remufi uyu,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Hama dzemushakabvu, dzichitungamirirwa nemweya uyu, dzinonzi dzakazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kukamba yemapurisa yekuMazowe. 

“Mweya uyu wakatungamirira vanhu kuenda paPlot No 12 papurazi reWellback, kuMazowe ndokuratidzwa guva rinonzi rine marangwanda aJames Sanyamavira. Mapurisa vakaenda vakanoona guva iri papuroti yaVaPhillip Jangara (65) avo vakaziviswa nezvenyaya iyi ivo ndokuti havana ruzivo rwekuti paiva neguva munzvimbo yavo,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Vanoti mapurisa akazokurudzira hama dzemufi uyu kuti dzitsvage mvumo yekuti guva iri rifukunurwe, izvo vakaita uye kwangosarirwa chete kuti richifukunurwa.

“Mvumo yekuti hama dzemuchakabvu dzinofukunura guva iri yakapihwa asi pangomirirwa zuva razvichaitwa. Mapfupa achawanikwa murinda iri achanoongororwa nenyanzvi kuti zvionekwe kuti ndeemunhu here uyewo nekuti ndeemufi ari kutaurwa uyu here,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Vanoenderera mberi vachiti, “Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi. 

“Tinokumbira kune vane zvavanoziva nekuda kwenyaya iyi kuti vabatsire sezvo munhu anofungidzirwa kuti akaponda asati ave kuzivikanwa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey