Uncategorized

Nyoka inoda vakadzi yakabatwa

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Nyoka inoda vakadzi yakabatwa

Kwayedza

ZINYOKA rerudzi rweshato — iro rinonzi rave nemakore 30 richishandiswa nechembere yekwaMurehwa kushinha nevakadzi nevarume — rakabatwa nechikwata chemaporofita nemusi weMugovera wadarika.Iyi inonzi imwe yenyoka shanu dzinonzi nambuya ava vanoshandisa mumabasa ekuroya.

Pamusoro pezvo, chembere iyi inoti kusvika pari zvino yauraya nekudya nyama dzevanhu vanodarika 70.

Mbuya Selina Mangachena (94), avo vanogara mubhuku rekwaChoto, kwaMangwende, vanozviti vane huroyi hwakakomba, uye vanobvuma kuti nyoka yakabatwa pamusha pavo iyi ndeyavo.

Shato iyi nedzimwe ina dzinonzi dzinodanana pamadiro vanhukadzi nevanhurume, kunyanya vepamusha uyu.

Mbuya Mangachena vanogara nemumwe wevanakomana vavo, VaTachivei Samuriwo (62) nemhuri yake.

Mbuya ava vanoti huroyi hwavo hwakatanga mushure mekunge ivo nemumwe wevanakomana vavo vaenda kune imwe n’anga kuChipinge uko vakanopinzwa muziguva raive nezvitunha umo vakakumbira zvose zvavaida.

Nyoka yakabatwa iyi inonzi mukushandiswa kwayo mumabasa ehuroyi, yaipota ichirutsa dzimwe nyoka ina idzo yaizoti kana dzapedza basa radzo, yobva yadzimedza. Saka payakabatwa dzimwe dzacho hadzina kuonekwa zvichinzi dzaive mudumbu mayo.

Shato iyi yakabatwa naMadzibaba Mossie vechechi yeJohane Masowe eChishanu avo vane sowe riri kwaMachipisa, kuHighfield, muHarare mushure mekunge vazvipira kushandira chembere iyi kuti isiye zvekuroya.

Kubva pakabuda nyaya yechembere iyi kekutanga muKwayedza rekutanga kwaZvita gore rino, zvinonzi pane maporofita ane chitsama, mamwe acho ane mukurumbira, vange vachiedza kushandira ambuya ava, asi zvichiramba.

Maporofita aya akasvika pamusha paMbuya Mangachena nemusi weMugovera zuva rodoka apo Kwayedza yaivepowo.

Vakasvikounganidza vagari vemusha uyu ndokunovanamatira vari mumba yekubikira vachidirwa mvura yemuteuro.

Vemhuri yaMbuya Mangachena vakazoendeswa pakati pechivanze ndokunzi vaite mudungwe vakapfugama vakatarisa kumabvazuva apo vainamatirwa vachidirwa mvura.

VaSamuriwo, vanove muridzi wemusha uyu, vakazopihwa mvura iyi ndokudungamidzana nemunin’ina wavo vachivhura dzimba dzose shanu dziripo vachidira mvura apo maporofita aya aiva kumashure.

Mumwe wemaporofita aya akazotaurira vemhuri iyi kuti pamusha uyu paiva nezvakakomba ndokuti VaSamuriwo vatungamirire vanhu kuimba yaive kuseri kunorara vanasikana vatatu vepo vanoti Juliet Samuriwo (33), Jesca Samuriwo (27) nemumwe ane makore 16.

Vose vasikana vatatu ava vanoti vanoitwa vakadzi nenyoka idzi.

VaSamuriwo vakazonzi vawaranure magumbeze pamubhedha unorara vanasikana vavo ava apo vakabvisa magumbeze matatu asi pane rechina vakazoburana nemusvesvenenga wezinyoka vachibva vasvetuka vachitiza zvose nemaporofita.

“Ndicho chikara chinonzi chinoshinha nevana vangu pamwe chete neni here ichi? Amai kani, amai kani munotikuvadzira chiiko? Tiregererei mhai, chiiko ichi tapera?” vakadaro VaSamuriwo vachiridza mhere.

Zinyoka iri rakatanga kumhanya richidzingirira vanhu nekutsvaga pekubuda napo.

Musiwo wemba iyi wakaita mudiki apo vamwe vanamati vakatsitsirirana pamusiwo vachitiza, vamwe vachipunzika nemagotsi.

Maporofita maviri aiva mumba umu vakatora mutswi waivemo ndokutanga kurova shato iyi nawo ichirwisa kusvikira zvakaburitsana panze.

Panguva imwe cheteyo, VaSamuriwo nemunin’ina wavo vaingoridza mhere kuchema nechivanze.

Maporofita aya nenyoka iyi zvakaburitsana panze kusvikira yakazouraiwa mushure menguva inodarika awa imwe chete.

Kana mutori wenhau uno akatomboiswa panguva yakaoma apo zinyoka iri rakazvonyongoka rakananga nekwaari, iye ndokurova bara akachekerera nekune chikwere chehuku apo akasvikorovera sezvo kunze kwainge kwadoka.

Nyoka iyi yakazobepura kanokwana katatu ichitofamba kunyangwe yakanga yatsemurwa musoro wose, apo yaipota ichishama muromo ichitarisa kwaive nemaporofita aya apo yairutsa ropa.

“Nyoka idzi ishanu pano, asi iyi ndiyo inomedza dzimwe ina ichizodzirutsa kana dzave kuda kuita mabasa ehuroyi. Dzanga dzichirara nevanasikana vose naamai vepano. Kana ivo baba vepano havana kana shungu yebonde nemudzimai wavo nekuda kwenyoka idzi.

“Asi dzafa dzose kunyangwe tauraya imwe chete iyi, ndiyo yakadzitakura,” anodaro mumwe wemaporofita aya.

Nyoka iyi yakazotorwa ikaendeswa pamberi pemhuri yose apo vamwe vaichema vachiona chikara chinonzi changa chichishinha navo.

Mbuya Mangachena vakabvunzwa neKwayedza kuti vanoziva here nyoka iyi, ivo ndokupindura vachiti, “Hongu, ndeyangu. Maurairei nyoka yangu imi maporofita.” Apa vanoti vainzwa muviri wavo kupera simba nekurwadziwa kukuru.

“Imi, ndati ndibvisei pano! Ndinonzwa kurwadziwa nekupera simba. Nyoka iyi yaita sei? Yatadzei kwamuri?” vakadaro Mbuya Mangachena apo vanhu vainge vakaungana.

Nyoka iyi yakazosiya yaiswa musaga nemaporofita aya apo vemhuri iyi vakakurudzirwa kutevera nayo kuHarare kwaMadzibaba Mossie nemusi weSvondo wadarika.

Nyoka iyi yakazopiswa mushure mekumboedza kumuka zvakare kuHarare.

“Musha uyu vose vanga vachishandiswa nenyoka iyi. Dzanga dzichitora mari yavo, dzichidya mbeu yababa nekunanzva ropa revanasikana rekugeza. Ndokusaka vasingaroorwe, hapana anowana basa.

“Nyoka idzi dzaivananzva kunhengo dzavo dzakavandika nekurara navo. Minda chaiyo yevanhu ava haichaita zvirimwa nekuda kwenyoka idzi. ‘‘Iye wacho anonzi akanoromba naamai ava (zita rake tinaro) achauya zvake musoro umire. Tine mhiko dzatichaita kuti auye kuzorasa dzake nyoka nezvimwe zvavakanotora kuChipinge,” vanodaro Madzibaba Mossie.

Zvakadai, vanasikana vepamusha uyu vanoti havachada kurara mumba makawanikwa mukweshwa wenyoka uyu nekutya.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey