Uncategorized

Odya mundiro imwe chete nenzou

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Odya mundiro imwe chete nenzou

Kwayedza

Given Siakanoka ari kuKARIBA —
MURUME anogara kuChirundu, kuKariba — uyo anonzi murwere wepfungwa — nguva pfupi yadarika akashamisa veruzhinji veko apo akadya chikafu pamwe chete nenzou yemusango pasina kana kukanganisana.

Pasina kana kutya, murume uyu akaonekwa achinokora chikafu “mundiro” imwe chete nezinzou rakangobva mudondo.

Nzou iyi nemurume uyu vaidyira mubhini riri pamusika weChirundu — pasina kana aikanganisa mumwe.

Mumasango ekuKariba munozivikanwa nekuva nenzou dzinorura zvikuru uye kunogarouraiwa kana kukuvadzwa vanhu — kusanganisira vashanyi — nemhuka idzi.

Asi Tonderai Fashion – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Top Fashion — anonzi ave nenguva achigara pamusika uyu apo anodya chikafu chinenge charaswa mumabhini, izvowo zvinoitwa nemhuka dzinosanganisira nzou, tsoko nemakudo.
ONAI VHIDHIYO PAZASI:

Fashion pari zvino ari kugara pedyo nebhawa rinonzi Mudzimu, apo anobvutidzana chikafu chinenge charaswa mumabhini nemhuka dzemudondo, kunyanya tsoko nemakudo.

Nguva pfupi yadarika zuva rodoka, veruzhinji vakazoshamisika apo nzou yakasvika pabhini ichida kudya chikafu chaivemo. Apa ndipo pazvakasanganidzana naFashion uyo aitorwawo zvekudya mubhini iri.

Murume uyu haana kumbotiza kana kusiyana nezvaaiita asi akaramba achidya zvake chikafu chaivemo.

Haana kumbovhuduka nzou iyi zvisinei nemhere-mhere yaiitwa nemadzimai aive nechepedyo ayo aimushevedzera kuti atize neupenyu hwake.

Asi Fashion akatoramba achinhonga chikafu mubhini achidya, apo nzou iyi yaidyawo pamwe chete naye — dzimwe nguva murewo wayo uyo wayaitoresa chikafu uchitoita seunosanganidzana neruwoko rwaFashion achinokorawo mundiro imwe cheteyo.

Pane vanhu vakazomhanya kunoshevedza vashandi vekubazi rezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, avo vakauya vakaona zvisina kukodzera kuti vapfure mhuka iyi sezvo yaitowadzana ichidya chikafu pamwe chete naFashion.

PaChirundu pane mukurumbira wekusvikwa nemhuka dzesango idzo dzimwe dzacho dzisingatye vanhu apo dzinenge dzichitsvaga chikafu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey