Odzidzisa vana mbira

26 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
Odzidzisa vana mbira Mai Necta Muhwati

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI wechidzimai anogara kuHopley Zone 6, muguta reHarare, ari kushanda mukudzoreredza tsika dzechivanhu mune vechidiki nekuvadzidzisa kuridza mbira nehosho.

Mai Necta Muhwati (45), avo vaimbozivikanwa vachiimba nziyo dzechitendero vari muchikwata cheTariro Yedu Gospel apo vakaimba nziyo dzinosanganisira Ikoko naMwari Iwe, vanoti vakazosandura musambo ndokutanga kuridza mbira vachidzidzisawo vechidiki.

“Ndakazovamba chikwata chitsva cheMatsimba Epasi Chigare Mbira Group mushure mekuparadza chikwata chegospel ichi. Ndine nhengo pfumbamwe, tinoridza mbira mumapira nekumwe kunoitwa zvechivanhu. Ndinodzidzisa vana kuridza mbira kubvira kune vane makore masere kusvika makore 25,” vanodaro Mai Muhwati.

Vanoti vakatanga vachiimba nziyo dzechitendero chete kubva kumakore a2000 ndokuzotsikisa muna2008 uye ndokuzopinda mumusambo wembira.

“Ndichiridza mbira kudaro, ndakaona dambudziko rakatarisana nevechidiki munzvimbo yedu yeHopley, vana vapera nekutora zvinodhaka uyewo vanasikana vari kukasika kuita pamiviri. Vamwe vedu muno imbavha saka ndiri kuvatora ndichivadzidzisa mbira vose vakomana nevasikana. Vamwe vavo vava kutogona kudzikwenya uye vakatotorwa nezvimwe zvikwata,” vanodaro Mai Muhwati.

Vanoti muchikwata chavo vanoshanda nemagwenyambira anosanganisira Proud Nyandebvu, Isheanesu Lester, Maxwell Chikomba, Tinashe Gabura, Mutsawashe Lester, Samuel Banda naAshley Chikomba.

Mai Muhwati vachiridza mbira naIsheanesu Lester (pakati) naMutsawashe Lester – Mifananidzo naNicholas Bakili

“Vamwe vandiinavo muchikwata ichi vana vangu vechikoro vandakatodzidzisawo kuridza, ivowo vava kutokwanisa kudzidzisa vamwe izvo zvava kuonekwa muno tichikamura matambudziko anosangana nevana akaita sekushaya mabasa, kutora zvinodhaka nekubata pamiviri,” vanodaro Mai Muhwati.

Chikwata ichi chinoridza kwakasiyana muZimbabwe nekunyika dzakakomberedza dzinosanganisira Mozambique.

“Mbira dzedu tinoridza zvakare tichiimba dzimbo dzechitendero nedzechivanhu uyewo inini ndinoenda kuchechi. Handizvitarisire pasi nekuti ndiri mudzimai uye ndinoridza nevana vangu zvakare,” vanodaro Mai Muhwati.

Lester naMutsawashe Lester vanoti basa iri rinoita kuti vagare vakabatikana pasina kufunga zvekunwa doro.

“Taimboshaya zvekuita asi nekuda kwembira, tinogara takabatikana nebasa uye tinokurudzira vamwe vechidiki kupinda muchirongwa icho chinotipa pekutangira,” anodaro Lester.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey