Onetserwa chikwereti

04 Mar, 2016 - 05:03 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MUKADZI wekuti ari kushungurudzwa nemushandi wepakambani yake nekuda kwechikwereti chemari yemuhoro yaasati amupa akazopotera kudare.Mercy Mutsvai akamhan’arira Titus Hove kuHarare Civil Court achiti ari kumunetsa nekuda kwenyaya yemari yake yemuhoro iyo yaasati amupa nekuda kwemamiriro akaita upfumi munyika.

“Nemamiriro akaita nyika yedu panyaya dzeupfumi, ndine chikwereti chaHove chemari inoita $500. Pakuwirirana kwedu ndinofanira kumupa $1 000 pamwedzi woga-woga. Ndakatadza kumupa yose nokuda kwekuti mari yanetsa muZimbabwe.

“Hove ari kuuya kumba kwangu nevamwe vanhu vandisingazive osvikorova gedhi achiita ruzha kuti anoda mari yake. Nguva dzacho dzaanouya hadziite nokuti kunenge kwasviba.

“Handina kuramba kumupa mari yake asi angabva ateverawo nekumba here? Asingazive kuti upfumi hauna kumira mushe munyika muno ndiani? Paanouya kumba anondityisidzira kundiuraya kunge ndakaramba nemari yake,” akadaro Mutsvai.

Hove akapikisana naMutsvai achiti ainyepa. “Mukadzi uyu handina kumbosvika kumba kwake sezvaari kutaura. Ari kuda kuvhara nyaya yake nekuti ndakabvunza kuti mari yangu achandipa zvarinhi. Chandinongoda kunzwa kwaari kuti mari yangu anokwanisa kundipawo rinhi sezvo ndichida kubhadharira vana chikoro.

“Vana vogara kudzimba here ini ndichiti ndiri kuvashandira? Kushanda kwacho kuri papi kana varidzi vemakambani votadza kutibhadhara mari yatakashandira? Handingangotarise vana vakagara vasingaende kuchikoro, moyo wangu unorwadza semubereki,” akadaro Hove.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Mutsvai gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey