Pamberi nekuzvipira nekuenzanisa munhukadzi

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Pamberi nekuzvipira nekuenzanisa munhukadzi

Kwayedza

NGUVA pfupi yadarika, madzimai akaremekedzwa pasi rose kuburikidza nekucherechedzwa kwezuva reInternational Women”s Day.

Ndakaita rombo rakanaka rekukokwa kumhemberero dzaive kuAvondale, muguta reHarare uko kwaive nemakuwerere kwakaungana vasikana, madzimai nevakwegura.

Ndakakokwa nemadzimai echidiki eInternational Community of Women living with HIV muZimbabwe (ICW).

Vatauri vakawanda vakatenda Musiki nekuda kwezuva iri.

Mudzimai wechidiki, Annah Sango, anoti anodada uye nekufara kuve zvaari.

‘Ini ndinodada kuve ini. Ndinonzwa kufara nekuzvida kuti inyasha ndiripo nhasi. Ndichipembera kuve mudzimai wechidiki muZimbabwe ndinotenda nekuti dzimwe nyika seSaudi Arabia mudzimai anoonekwa sepwere. Kufamba chaiko anofanira kuperekedzwa nemwanakomana kunyangwe ane makore mashanu.

‘Munyika ino ndine kodzero dzehutano, pakushanda mumabasa uye ndinovhota sezvinongoitawo munhurume naizvozvo ndinofara kucherechedza zuva iri,’ anodaro Sango.

Dindingira regore rino remhemberero dzezuva iri raiti ‘Kuzvipira kuenzanisa’.

Tiri pakuenzanisa munhukadzi, nhasi munyika ino anowana mugove mumwe chete nemunhurume kana vachiita basa rakafanana.

Kare mudzimai akazvitakura kana oda kuenda kuzororo aisabhadharwa asi iko zvino ava kutambira mari mwedzi mitatu yaanoyamwisa.

Janet Bhila anove mudzimai wechidiki anoti anofara kuti nhasi anovhura bhuku rekubhangi ari ega zvisina kunzi huya nemunhurume.

‘Ndinozvimiririra kuchengeta mari uye ndinovhura bhuku rekubhangi pasingadiwe mumiririri wechirume,’ anodaro Bhila.

Akapembera nemutongo wakapihwa nedare reConstitutional Court gore rino wekuti imhosva kuroora mwanasikana ari pasi pemakore gumi nepfumbamwe ekuberekwa.

‘Ndinofara kuti dare rakapa mutongo uyu nekuti pwere dzine mukaka pamhino dzaive dzoitwa madzimai asi nhasi anoita izvi, kusanganisira vanokurudzira vangave vabereki kana hama, ijeri iroro naizvozvo mwanasikana ngaadzidze. Kudzidzisa mwanasikana wadzidzisa dunhu rese,’ anodaro.

Angeline Chiwetani anove mutungamiri wesangano reshirikadzi akatsigira zuva iri.

‘Ini ndiri shirikadzi kwemakore gumi nematatu adarika. Murume wangu akashaya kusati kwave nemapiritsi. Takapinda hondo yekuti Hurumende itipe mapiritsi emaARV. Taienda kumahofisi esangano reNational Aids Council uye kuParamende tichiti ikodzero yedu kuti tirarame. Ndinofara kwava nezuva rinoremekedza shirikadzi repasi rose,’ anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey