Uncategorized

‘Prophet’ omuka chipoko

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Prophet’ omuka chipoko Prisca Ncube

Kwayedza

Shelton Masina ari kuBULAWAYO

MUKADZI anogara kuno anoti ari kuoneswa ndondo nechipoko icho ari kufungidzira kuti ndechemumwe murume wemunhu uyo waaidanana naye aive muporofita ndokuzozviuraira mumba make mwedzi mina yapfuura.

Prisca Ncube (21) anoti ari kushungurudzika zvikuru nekushanyirwa kwaari kuitwa nechipoko chaProphet Thembani Ngwenya uyo aipinda chechi yeInhlanganiso Yama Nazaretha Apostolic Church.

Muhurukuro neKwayedza, Ncube anoti chipoko cheaimbova mudiwa wake chakatanga kumushanyira achangovigwa.

Zvisinei, haasi kupa zvikonzero zvakaita kuti Prophet Ngwenya azviuraire mumba make.

“Handisisina mufaro nguva dzemanheru nekuda kwechipoko cheaimbova mudiwa wangu icho chinondishanyira manheru ega-ega. Dzimwe nguva, chipoko ichi chinongokaruka chava padhoo chonditambidza makii. Pamwe pacho chinondiitira hasha chichiti ndinofanira kusiyana nacho,” anodaro Ncube achiratidza kutya.

Anoti vemhuri yake vaedza kumubatsira asi zvashaya basa.

“Dzimwe nguva ndinorota ndichiona mutumbi wake wakarembera pamapuranga edenga remba yandinogara apo pandinoroja panova paakazvisungirira,” anodaro Ncube.

Anoti vanhu vemhuri yekwaNgwenya nemudzimai wake waanoti anonzi MaMoyo vari kumutsvagawo nemaziso matsvuku zvichitevera kufa kwaNgwenya.

“Mukadzi waNgwenya nehama dzake vanogara vachindivhundutsira vachinditi ndichazviona. Vari kundipomera mhosva yekuti ndakakonzeresa kufa kwaNgwenya zvekuti dai pasina mapurisa ekuPumula Police Station vakazopindira, vangadai vakandirova zvakaipisisa,” anodaro Ncube.

Muna Nyamavhuvhu gore rino, mumwe wevanogara pamwechete naNcube — Munyaradzi Musakai (23) — anonzi ndiye akaona mutumbi waNgwenya wakarembera pamapuranga edenga remumba maanogara. Ngwenya anonzi akashandisa jacket kuzvisungirira uye akasiya anyora tsamba iyo Ncube akaramba kutaura zvirimo. Ongororo yakaitwa namachiremba pamutumbi waNgwenya inoratidza kuti akafa nekuda kwekuzvisungirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey