Ronaldo otsigira Bale

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Ronaldo otsigira Bale Cristiano Ronaldo (kuruboshwe) achiseka naGareth Bale

Kwayedza

CRISTIANO Ronaldo akakurudzira vatsigiri veReal Madrid kuti vatsigire Gareth Bale uye vasiye tsika yekushoropodza chizvarwa chekuWales ichi. Bale akashoropodzwa zvikuru nekuedza kunwisa kwaakaita svondo radarika pane kupira bhora kuna Ronaldo uyo ainge ari ega mumutambo wavo muPrimera Division apo vakakunda Espanyol.

Kunyangwe hazvo akarakidza kugunun’una nazvo panguva yacho, Ronaldo anoti parizvino hapana daka pakati pake naBale ndokukurudzira vatsigiri veMadrid kuti vave nemwoyo murefu kumutambi uyo akambotambira Tottenham.

Achitaura nevatori venhau kumabiko eFIFA Ballon d’Or, uko akavhoterwa kuve ‘player of the year’ kechitatu, Ronaldo akati, “Vatsigiri veMadrid vanogara vakangofanana, vanogara vachingotsutsumwa, vanorakidza zvavanenge vachinzwa, havanyepi.

“Asi ndinofunga kuti nyaya iripo na‘Gaz’ hapana zviripo nekuti vanoziva kuti Gaz akakosha chaizvo kuchikwata chedu, mutambi wepamusoro. “Zvakaitika musi weMugovera svondo radarika zvakatodarika, dzimwe nguva ndinombokanganisawo zvinoitika mumutambo uyu. Ndinofunga kuti vanhu vachange vachimufarira uye vanofanirwa kunge vachimufarira”. – Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey