Uncategorized

Rufu rwehari: ‘Uyu muzinda wevaroyi nezvidhoma

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

NYANZVI dzezvechivanhu dzinotsanangura nyaya yemwana wekuHurungwe anonzi akafa mushure mekunge aona hari yaiva izere neropa umo maibuda musoro wekamudhara sekushereketa kukuru kune huroyi mukati.

Mbuya Marita Ridhi, avo vanova n’anga vachishandira pasi pesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti hari iyi unotova musha wezvidhoma wakavakwa musango iri.

“Hari iyi unotova musha wakaiswa zvidhoma nevaroyi vemunzvimbo iyi umo varidzi vazvo vanoenda vachinozvipa kudya kunosanganisira ropa revanhu nenyama. Panzvimbo iyi panofanirwa kunge pachiitwa misangano nevaroyi vakuru venharaunda iyi,” vakadaro.

Vanoti nzvimbo iyi inotoyereswa nevanhu vanoita zvehuroyi vekunharunda uku.

“Vana vakaona hari iyi vakanga vasvika nepamusha wevaridzi apo panguva iyi panofanirwa kunge paiva nevakuru vevaroyi nekuti varoyi vanofamba kana masikati kunyange tisingavaone. Nekudaro vana ava vakanzi vavafumura zvikaita kuti varohwe, zvakafanana nevavhimi vanofamba nembwa dzavo saka ukada kusvika pane vatenzi vadzo unorumwa,” vakadaro.

Vanoti nzvimbo iyi ikaramba yakadaro pasina kugadziriswa pachaperera vanhu semafiro akaita mwana uyu.

Pakamudhara kanonzi kaisimudza musoro kubva muhari iyi, vanoti chidhoma icho chaibuda chakapfeka musoro wemunhu.

“Kune mwana akasara ari mupenyu uyu vabereki vacho vasafunge kuti akapora zvachose, hunye hwezvidhoma haupere nhando. Zvinoda kuti mwana uyu arutsitswe nekugezwa mudumbu nekupihwa mimwe mishonga yekunwa nekupfungaidzwa kuti mhepo iyi ibve paari,” vakadaro Mbuya Ridhi.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda, vechechi yeSangano Dzvene Revapositori, vakawedzerawo vachiti nzvimbo iyi inoda kunamatirwa kuti zviri kuitika izvi zvipere.

“Nyaya iyi yave kuda vakuru venzvimbo iyi kuti vabatane vatore zvitopota zvemachiremba ekumachechi nekuchivanhu konoungana panzvimbo iyi kuti zvidhoma izvi zvibviswe nekuuraiwa. Asi hazvidi vanofungira kuti vane mweya nekuti vanonofirako,” vakadaro.

N’anga Patrick Mukunguta inoti varoyi vane hari yakaonekwa nevana ava ndeve pamusoro, vakanotora mishonga kunzvimbo dzakaita seBinga nekuChipinge.

“Apa pakasangana varoyi vemadzinza nevanoita zvekutenga, izvi zvinoitwa kuBinga nekuChipinge kana imo muKaroi. Kuti kuzodaidzwa kuti kuKaroi kureva kuti nzvimbo iyi inozivikanwa nekuva nevaroyi vakasimba. Dzimwe nyika dzinowanikwa mishonga yakadai iyi kuMalawi, Zambia, South Africa, DRC neNigeria,” vakadaro.

Vakafanobata chigaro chemukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti nzvimbo iyi inoda kuchenurwa nekukasika.

“Kana zvadai yave kunzi “no go area” saka zvave kuda kuti kutsvagwe machiremba anonorwisana nevaroyi vadzika mureza musango ava. Kunze kwekuuraya vanhu, kana zvipfuyo chaizvo zvichaguma zvave kuuraiwa, madzimai achiitwa vakadzi, vamwe vanhu vachisakuriswa muminda, muzvitoro muchitorwa mari nemagirosari. Vanhu ngavasaita zvekutamba, kune zvihombe zvinotyisa zviri kuuya munzvimbo iyi nekuda kwezvidhoma izvi,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey