Uncategorized

Runyoka: ‘Hapana chakaipa, akagonekwa’

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

VANHU vakataurwa navo nekuda kwenyaya yemurume wekwaShe Nenguwo wekuzviuraya mushure mekunge “asotwa” nenyaya dzekudanana nemudzimai wemuridzi vanoti “aya ndiwo mazvokuda mavanga enyora”.

Cloudy Chorira anonzi akafa nekunwa muchetura mushure mekunge nhengo yesikarudzi yake yareba zvakadaridza apo akashinha nemudzimai wemuridzi. Pane fungidziro yekuti mukadzi uyu akange akapingwa nerukwa kana kuti runyoka.

Muzvare Debra Kelly Chakavanda Chihwai (39) wekuDhabhanga, kuMahusekwa, akarumbidza murume wekugadzira mudzimai wake nerukwa.

“Ini ndiri mudzimai akatorerwa murume nemumwe mukadzi ndikasara nevana saka varume vanogadzira madzimai avo kuti vasarare nevamwe varume ndinovakuza. Kana idzo n’anga dzine mishonga yakadai kudai dzatowanda nekuti zvakaipa.

“Murume akafa uyu ndiko kuti vamwe vazive kuti mukadzi wemunhu haanyengwe, harizi dhibhi. Murume waaitorera mukadzi uyu akatoroorawo, dai vakafa vose nemukadzi wacho nyika yaipembera zvivi zvaiita zvishoma,” akadaro Kelly.

Anoti nyaya yave kutyisa ndeyekuti mudzimai wacho akaiswa runyoka anogona kupedza varume kumusha kwake kuMberengwa uko akaenda mushure mekurambwa nekuda kwenyaya iyi. “Dai Ishe Nenguwo vabatana naishe wekuMberengwa kunogara mudzimai uyu vonoita kuti mukadzi uyu aonekwe zvekuitwa naye asati apedza varume. Nekuda kwaanoita varume uku, iye zvino ave kutoita madiro,” akadaro.

VaThomas Chiwire (67) vekunzvimbo imwe chete iyi vakati kana muBhaibheri chaimo chipfambi hachibvumidzwe uye kune dzimwe nyika vanhu vanoita chipfambi vanotakwa nematombo.

“Pachivanhu chedu mudzimai wemunhu haapfimbwe kana kudananwa naye, imhosva huru inokonzera kupondana kwevanhu. Matare edu anoripisa varume vanodai ava mombe dzakawanda dzekuparadza dzimba dzevanhu,” vakadaro VaChiwire.

Vanoti murume uyu akazviuraisa ndokusiya mhuri yake dzave nherera nekuda kwechipfambi.

“Munyika umu mune vanhu vanoita zvechipfambi saka vanoda kuita izvozvo ngavaende kuvakadzi vanoita zvechipfambi kwete vevanhu. Ivowo vakadzi vevanhu vasina hunhu kana vachiona zvedzimba zvichinetsa ngavarambe varume voenda kumabhawa pane kuita chipfambi vari mudzimba,” vakadaro.

VaLouis Nyandoro (52) vakatsinhirawo vachiti hapana chakaipa kuti munhu aise mukadzi wake rukwa.

“Murume uyu akazvimbirwa nenyemba dzaakadya oga. Tinoda kuti n’anga dzinogona izvi dzibude pachena nekuti kune madzimai evanhu ari kuita zvechipfambi akawanda zvikuru. Ivowo madzimai acho anoita chipfambi ngavafewo kwete kuuraya varume madzimai achisara,” vakadaro.

VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano redzin’anga, reZinatha, vakati kune mishonga yerunyoka yakawanda iyo inogona kuteyeswa vakadzi kana varume.

“Kune mishonga iyi yakawanda zvikuru inowanikwa muno kana kunze. Kune yekuti vanhu vanogona kufa vakanamatirana, mimwe inozouraya mushure menguva. Tine n’anga muno dzinozvigona asi hazvikurudzirwi nemutemo wedu wevarapi vechivanhu,” vakadaro.

Vakataura mhando dzerunyoka dzakasiyana idzo dzinosanganisira mubobobo, rwedafi rwekuzvimba dumbu, rwehove rwekuti munhu anogara ari mumvura nguva dzose nerwekuvhunura senyoka.

“Kune rumwe rweruware rwekuti nhengo yemudzimai inoshaika kana vave kuda kushinha,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey