Uncategorized

Sabhuku oda ‘kuguma’ US$300 kumuzvere

25 Aug, 2021 - 11:08 0 Views
Sabhuku oda ‘kuguma’ US$300 kumuzvere tsamba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuDomboshava, wekubuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achiri azvipira kutengesa mimba yake ine mwedzi misere kuti awane mari yekunovhiiwa kuchipatara sezvo mazuva ano nhamo yamutamba tsvina, svondo rapera ndokuzobatsirwa nevane tsiyo nyoro atarisana nemumwe muyedzo.

Mushure mekubhadharirwa mari yekuitwa “operation” muchipatara chemuHarare neimwe kambani ndokubara mwana mukomana nemusi weChina svondo rapera, Mai Demetria Mukusa vakadzokera kumba vazere nemufaro wechigwindiri chekacheche asi ndokusvikotambirwa netsamba yakabva kwasabhuku uyo ari kuti anoda mari inosvika US$300 kubva kwavari “yekuuchirwa”.

Mai Mukusa vane tsamba yavakanyorerwa nasamusha wavo, Sabhuku Murove achiti nyaya iyi yatokwidzwa kudare raMambo Chinamhora kuti vanotongwa.

Apa mudzimai uyu akatambura kuti abatsirwe nemari yekunosununguka uye iye nemurume wake havashande.
Mai Mukusa vakabuda mupepanhau rino masvondo maviri adarika vachiburitsa dambudziko ravo zvakazoita kuti kambani yeBakers Inn nevamwewo vanhu vatambanudze maoko kuvabatsira.

Mai Mukusa pavakabva kuchipatara kuHarare uko vakabatsirwa, vakasvikowana sabhuku wavo aendesa tsamba kumba kwavo yekuti vaidiwa kudare raMambo Chinhamora nemusi wa24 Nyamavhuvhu.

Tsamba iyi ine chidhindo cheSabhuku Murove chemusi wa23 Nyamavhuvhu uye inoudza mudzimai uyu kuti aende kudare iri pasina kukundikana.

Musi wavainzi vaende kudare uyu, Mai Mukusa vakawanikwa neKwayedza vari kumba kwavo vaine kasvava kavo vachitadza kufamba nekuda kwemaronda ekuvhiiwa uye ndokuti havana kuenda kudare iri sezvo vachiri muzvere.

“Sabhuku wangu Murove, avo vagara vachitaura kuti vanoda mari inokwana US$300 yekuti vatinyorwe mubhuku remusha wavo nekuzoendesa imwe mari kwaMambo Chinhamora, vanonzi vakasvika pamba pangu pano nemusi weMuvhuro vachisiya tsamba iyi yekuti ndinodiwa kudare ramambo. Ini ndaiva kuchipatara, asi vazodzoka nhasi Chipiri mangwanani ndava pano ndikataurira vana kuti vavanyepere kuti ndainge ndisati ndadzoka apo ndazovanzwa vachipopota kuti sei ndisina kuenda kudare iri,” vanodaro Mai Mukusa.

Mudzimai uyu anoti achiri kurwadziwa uye haasati okwanisa kunyatsofamba.
“Handina mari iri kudiwa iyi yekubvisa kwasabhuku, dai ndaiwana zvangu ndaita kuti ndiwane pekugara nemhuri yangu. Tikadzingwa tinoita marombe,” vanodaro Mai Mukusa.

Mudzviti wedunhu reGoromonzi, Mai Prisca Dube, vanoti nyaya yasabhuku uyu yava kuongororwa zvizere kuti kuonekwe chaizvo zviri kuitika sezvo panogona kuita mabasa ehuwori.

“Tinoda kuita tsvakurudzo yenyaya iyi nekuti mutemo weHurumende haubvumidze kuti ivhu ritengeswe. Mari iyo yekunzi yechiuchiro itsika yechivanhu inoitwa kumadzishe nemasabhuku, zvino tikatarisa kuwanda kwemari yacho panoratidza kuti pane zvinoda kuferefetwa,” vanodaro Mai Dube.

Mambo Chinhamora, VaLister Chidziva, vanotiwo tsamba yakanyorwa naSabhuku Murove yekuti vanoda Mai Mukusa kudare ravo havana ruzivo nezvayo.

“Ini saMambo Chinhamora, ndine mapurisa angu andinotuma nekunyora tsamba ine chidhindo changu kwete kushandisa sabhuku. Hongu, chiuchiro chiriko chehuku kana mari shoma, iyo itsika yedu kwete kuti US$300. Inowanikwa kupi?
“Sabhuku uyu anogona kunge achiita chitsotsi, inyaya inoda kuongororwa. Kune ma’land barons’ ari kushanda nemasabhuku munzvimbo iyi,” vanodaro Mambo Chinhamora.

Vanoti vane dambudziko remasabhuku ari kuita tsika yekutengesa minda inova mhosva pamutemo wenyika.
“Pangangodaro paine nyaya yehuwori apa, ndava kutaurira sadunhu wangu Murape kuti aende kunaSabhuku Murove kunomutaurira kuti ndinomuda mudare rangu nemusi wa5 Gunyana tinzwe nyaya iyi zvizere. Ivo amai ava ndinoda kuti vauye kwandiri vataure nyaya iyi,” vanodaro Mambo Chinhamora.

Sabhuku Murove pamwe chete nemukuru wemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, havana kukwaniswa kubatika panhare dzavo kuti vapewo mativi avo pamusoro penyaya iyi.

Chiri kushamisa ndechekuti tsamba iyi yakanyorwa kumudzimai uyu, kwete kumurume wake anova ndiye akatenga musha wavagere uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey