Seed Co yoriga dzose kuMakomoyo!

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Seed Co yoriga dzose kuMakomoyo! Seed Co yakariga dzose pakuuchika mbeu uye yakawana mubairo wekuva Best Seed House Stand.

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi

AIVA makuwerere kuManicaland Agricultural Show iyo yakaitwa kubva musi wa18 kusvika 22 Gunyana 2019 apo varimi vakaratidzira zvirimwa zvavo kunhandare yekuratidzira iri muguta reMutare.

Varimi vakabva kumatunhu manonwe eManicaland vachizoratidzira zvavanorima pamwe nekugadzira. Varimi vanosvika makumi matatu neumwe vairatidzira zvirimwa nehumhizha hwavo.

Mukuru weManicaland Agricultural Show Society, VaMbarara vakapa uchapupu nekugamuchira ruzhinji rwevanhu vakanga vanoona zviratidzwa kubva kuvarimi nemakambani akasiyana.

VaMbarara vakavimbisa kuti gore rinouya vane chivimbo chekuti pachange paine musiyano uye kuwedzera kushambidzika kwenharaunda yekuratidzira.

Gurukota reHurumende kudunhu reManicaland, Senator Dr E Gwaradzimba vakati vanoda kuona vanhu vakawanda pakuratidzira kwegore rinouya. Vakaenderera mberi vachiti varimi vanoda kuwedzera kukosha kwezvirimwa kuitira kuti zvitengwe nemutengo wepamusoro.

Vakazarura zviri pamutemo kuratidzira zvirimwa nehumhizha vanhu vose vakafara zvikuru.

Chakazonyanya kufadza ndechekuti varimi vakawana mibairo ndevaya vakarima mbeu dzeSeed Co. Murimi akakunda vose ndokuwana mubairo weBest Agricultural Produce ndiMai Bingandadi avo vanorima vari muMutare District, uye vari Anchor Farmer weSeed Co.

Mai Bingandadi vakaratidza kuti vanogona kurima uye mbeu dzeSeed Co dzinoriga dzimwe dzose. Izvi zvakapa chivimbo kuvarimi kuti mbeu ine chokwadi imbeu ine goho uye kudya kwakanaka inowanikwa kuSeed Co.

Hazvina kuperera ipapo, Seed Co yakazowana mubairo weBest Seed House Stand apo yakariga dzose zvekuti varimi vakanga vongoshaura kuti, “Seed Co ndokuti sadza nomuriwo” vachipemberera pamwe chete nevarimisi veSeed Co.

l Clemence Mucharedzeyi murimisi weSeed Co kudunhu reManicaland.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey