Seed Co yosimudzira Zunde raMambo

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Seed Co yosimudzira Zunde raMambo

Kwayedza

Simba Gotosa —
NYAYA yekudya ndicho chimwe chezvinhu zvakaongororwa kuti hazvina zororo mukurarama kwevanhu nekudaro isu vekambani yenyu yeSeed Co tinoramba tichiburisa nhaurwa dzinobatsira murimi vhiki rega-rega.

Kambani yenyu yeSeed Co kuti ikure sezvayava nhasi uno, itsigiro yairi kuwana kubva kuvarimi vemuZimbabwe uye iko zvino yapararira kunyika gumi neshanu zvese zvichibva muno. Nekudaro vakuru vakaona zvakakodzera kuti zvimwe zvatinowana tidzorerewo kune vanotitsigira, panova ndipo pakabva pfungwa yekumutsiridza chirongwa cheZunde raMambo.

Chirongwa cheZunde raMambo donzvo racho rakangofanana nechirongwa chenhimbe kana kuti humwe icho chaiitwa nevakuru vakare. Chirongwa ichi chinogadzirisa kana kuumba HUNHU hwevanhu izvo zvinozounza kukudzana munharaunda mugere varimi.

Zunde rinounza nyaya dzerudo uye dzekusimudzirana, varimi vachidzidzisana nyaya yekushanda nesimba. Makare iwayo, vavakidzani vaingokura iri mhuri imwe chete vachinyatsozivana, nyaya dzekurwisana uye dzemakunakuna kusina.

Muchirongwa cheZunde vanoshanda nesimba vanoonekwa uye avo vari zinyekenyeke vanosimudzirwa, izvo zvinobva zvaunza maguta mumaruwa. Kambani yenyu yeSeed Co yagara ichiita zviyedzwa zvembeu dzatagara tichitengesa uye itsva dziri kuuya kuti varimi vaone kunaka kwadzo. Nokudaro Zunde raMambo yava imwe nzvimbo yekudzidzira kurima kwakanaka.

Zvirongwa zvakawanda zvakaita sezve (World Food Programme) uye zvesocial welfare zvekubatsira vanoshaya zvakabva mumuono wechirongwa cheZunde raMambo.

Munhaurwa yatakaita nemukuru wemadzishe muZimbabwe, Mambo Fortune Charumbira, vanoti kambani yeSeed Co ndiyo yava musimboti weZunde raMambo uye vanoti ivo ndivo vakatsigira vari pamberi. Mwaka wapera, Seed Co yakaonekwa ichipa mumwe nemumwe wemadzishe 286 mbeu yechibage inokwana maeka maviri. Nekuda kwemagariro atagara takaita muZimbabwe, madzishe mazhinji anogara kunzvimbo dzinonaya mvura yepakati nepakati kusvika kune mvura shoma, saka takavapa mbeu dzemhando yeMbizi SC513, Tsoko SC403 uye ichangoburwa yeTsuro SC301.

Madzishe asati atora mbeu, takakwanisa kuita musangano nemadzishe ari muChiefs Council apo taivadzidzisa madyariro avaizoita mbeu idzi. Pamaeka maviri taivapawo mbeu dzemhando mbiri dzakasiyana dzinoita kunzvimbo yavanobva.

Mambo Charumbira vanoti ivo kubva pakurima nemombe kana tarakita, kutara mitsara, kusakura kusvika pakukohwa, vanhu vaionekwa vachiuya kuzoshanda vakasununguka kumunda wavo weZunde. Vanoenderera mberi vachiti vairamba vachikurudzira madzishe kuti ashande nevarimisi veAgritex vari munharaunda dzavo. Mashoko aMambo Charumbira anotsigirwa zvizere naMambo Chikwaka vachiti pakurima munda wavo weZunde, vaifamba iri hochekoche nemurimisi wavo.

Mambo Charumbira naMambo Chikwaka vanoti ivo mumatunhu avo mune vanoshaiwa, nherera dzakasiiwa nevabereki nekuda kwedenda reshuramatongo, chembere dzisisakwanise kuzviriritira uye zvirema nemapofu saka ibasa ravo kuti vose ava vawane raramo.

Mambo Chikwaka vanoti vachabatsira vanhu ava nemasaga 232 avakawana pamunda wavo weZunde, asi hazviperere ipapo nekuti vanoonekwazve vachipinda muHarare kubatsira paDanhiko nepaSt Johns Shery Crips.

Vanoti pose pavaishanyirwa nevanhu vemudhunhu ravo uye vehukama, vaingoramba vachibvunzwa kuti mbeu dzakanakisa kudai ndedzipiko, izvo zvaiita kuti varambe vachiparadzira zivo munyika mavo.

Pakupa kwavachaita chibage munzvimbo yavo, Mambo Chikwaka vachabatsirwa nemapurisa epaJuru nemudzimai wemumiririri wavo mudare reParamendi.

Seed Co sekambani yenyu hombe pakuuchika mbeu, chatinogarosimbisa pamagungano ose eZunde raMambo inyaya dzegoho riri pamusoro nekuti igaroziva kuti munhu ane nzara anonetsa uye mudunhu mune nzara mhosva hadziperi.

Mambo Charumbira vanoti kubva munhaurwa dzemadzishe ese muZimbabwe, vari kufadzwa negoho ravari kuwana muminda yavo yeZunde kuburikidza nemvura yakanaya zvakanaka munzvimbo dzose uye vanoenderera mberi vachiti mamwewo mapoka ava kuda kupindawo achibatsira Zunde raMambo.

Mambo Charumbira naMambo Chikwaka vanoti mvura inogona kunaya shoma kana yakawanda, uye kunogona kuita maguta kana nzara – asi vanhu vanoshaiwa vanoramba variko. Vanoti semwaka uno wemaguta, chimwe chibage chinogona kutengeswa, mari yacho yoshandiswa munyaya dzebudiriro yenharaunda dzavo sekugadzirisa zvibhorani zvakafa nekugadzira migwagwa.

Mambo Charumbira vanoti pamusangano wavo wekutanga nemukuru wekambani yeSeed Co Zimbabwe, VaDenias Zaranyika, vakaona kuti shungu dzavo ndedzokuti madzishe apihwe zvirauro – inova mbeu – kwete kupihwa hove nekuti dzikapera vanozoshaya chekudya.

Mukupa madzishe ose emuZimbabwe mbeu yechibage, Seed Co yakaitawo bandiko rayo rekusimudzira nyika. Mambo Charumbira vakatsigirwa naMambo Chikwaka vakapedzisa nhaurwa vachitenda kubva pasi pasi pemoyo yavo kambani yeSeed Co nekuda kwerubatsiro rwayakapa kune avo vanoshaya kuburikidza nembeu yavakawana iyo yava kuvapa goho repamusoro-soro.

KUTI SEEDCO NDOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOKUTI SEEDCO!

Varimi munokurudzirwa kuti mbeu dzenyu dzamagara muchivimba nadzo dzeSeed Co dzava kuwanikwa muzvitoro zvose zveFarm & City, OK, Omnia, N Richards, MFC, NTS, Farmbiz nezvimwe zvakatekeshera mumatunhu amugere. Murimi anenge asangana nedambudziko rembeu ngaaone mumiriri weSeed Co wedunhu ravo kana kuchaira nhare VaMuzadzi pa 0772572146.

Simba Gotosa murimisi mukuru kuSeed Co uye anobatika pa 0779830450 kana 0732830450

Email: [email protected].

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey