Seed Co yotsigira varimi veZFU

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Seed Co yotsigira varimi veZFU Mabhasikoro nembeu zvakapihwa kuvarimi neSeed Co

Kwayedza

Bright Musakanda

KWAISADANWA anonzwa nemusi wa30 na31 Gumiguru apo veZimbabwe Farmers Union (ZFU) vakakoromoka kubva kumatunhu ose enyika vachiungana kuMasvingo uko vaicherechedza zuva ravo repagore.

Vemakambani anoita nezvekurima, vezvitoro nevemabhanga vaivapowo kuzotsigira zuva guru revarimi iri.

Mhemberero dzegore rino dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuvanduza kurima kana kuti zvirimwa kuitira kuti upfumi huwedzerere”.

Muenzi mukuru pagungano iri, Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vakakurudzira varimi kuti vagare vachiungana kuitira kuti vapakurirane ruzivo nemazano munyaya dzezvekurima. Vakaenderera mberi vachiti mushandirapamwe nekubatana ndiyo chete nzira inopedza nzara munyika uye zvichiita kuti upfumi hwenyika huvandudzike.

Kambani huru munyaya dzekuuchika mbeu, yeSeed Co yakaratidza kuti zvedi ndiyo vahosi kuburikidza nekutsigira kwayakaita mutambo uyu. Seed Co yakapa mabhasikoro gumi kuZFU kuti agoverwe kuvarimi.

VaSimbarashe Gotosa (Seed Co Estern Region Manager) vakatsinhira kuti Seed Co ine varimi pamoyo kuburikidza nekuuchika kwainoita mbeu dzinoshingirira muzuva uye  dzichipa goho repamusoro zvekare inoda kuti varimi vafambe nyore nemabhisikoro ayakapa.

Bright Musakanda murimisi weSeed Co kuMasvingo

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey