Uncategorized

Shirikadzi yorera nherera 20

31 Mar, 2021 - 16:03 0 Views
Shirikadzi yorera nherera 20 Mbuya Chiware (kuruboshwe) vaine mumwe wevabatsiri vavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBUYA vanova shirikadzi vekuRuwa vari kubatsira vana nherera nevanomberereka mumigwagwa nekuvawanisa pekugara pamba pavo vachivaendesa kuchikoro panguva ino nyika iri kurwisa Covid-19.

Mbuya Peggy Chiware (70) vanogara kuOld Winsor Park, vesangano reKingdom Worship Trust kana kuti Pavandudzo Place of Safety, pari zvino vari kuchengeta vana vanosvika 20 pamba pavo.

VaEnock Rubingo (58), avo vanova sachigaro wesangano iri, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira upenyu hwevana nherera nevamwe vanotambura.
“Ino inguva yakaoma zvikuru yekurwisa denda reCovid-19, asi Gogo Chiware vakati havadi kuona mwana anotambura kunyangwe zvakaoma kudai.

Vari kuchengeta vana 20 pamba pavo, vazhinji vavo vanova nherera nevamwe vatinonhonga mumigwagwa nevanotamburawo kudzimba dzavo,” vanodaro VaRubingo.

Vanoti vana ava vanombowanda kusvika makumi matatu kana kudarika.

“Sangano redu rinobatsira vana ava nepekugara, nechikafu nekuvaendesa kuchikoro kubva Zero Grade kusvika Form 6 kana kuyunivhesiti.
“Tine vamwe vatakatora kuBorrowdale Squatter Camp taenda tichida kuvapa chikafu ndokuwana zvinyeda zvavo zvakapwanyiwa nemvura,” vanodaro VaRubingo.

Vanoti nekuda kwedenda reCovid-19, vamwe vevana ava vanodzidzira pamba apa vachibatsirwa nemudzidzisi.

“Tine hurongwa hwekutsvaga mumwe mudzidzisi kuti vaite vaviri avo vanobhadharwa. Kune zvimwe zvikoro zvakatora vamwe vana pachena uko vanongodzidza pasina kubhadhara mari vachingoda mabhuku nemayunifomu bedzi.

“Tinotenda vemachechi akaita seSeventh Day Adventist, Roman Catholic, AFM, Methodist, Presbyterian, Christ Embassy neveEvangelical Fellowship nekutibatsira kwavari kuita,” vanodaro VaRubingo.

Kune vanoda kubatsirawo sangano iri vanoridza nhare dzinoti 0773 434 090 kana 0773 971 380.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey