Uncategorized

Shona Club yobatsira Prince Edward

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Shona Club yobatsira Prince Edward

Kwayedza

CHIKORO chePrince Edward School, icho chiri muHarare, chiri kusimudzira chidzidzo cheShona kuburikidza nekuva neShona Club iyo vadzidzi nevarairidzi vanosangana vachipangana mazano.Pasi pechirongwa ichi, vana nevarairidzi vanokurukura pamusoro pezvakasiyana zvinosanganisira kunyora nekutaura chiShona chemandorokwati.

Mumwe mudzidzisi wepachikoro apa, Mai Susan Machomera, avo vanotungamirira Shona Club iyi, vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira vana zvakanyanya.

“Pasi pechirongwa ichi, tinoungana sematicha nevana pamazuva akatarwa tichitaura tunyaya tunenge tuchipisa mazuva iwayo nezvimwe zvinenge zvichiitika munharaunda nemutauro weShona.

“PaShona Club zvakare, tinenge tichironga nzvimbo dzinofanira kushanyirwa nevana vechikoro munyika muno vachinodzidza zvechinyakare, chivanhu pamwe chete nemagariro evanhu vemuZimbabwe,” vanodaro.

Panguva iyi, vanoti vanokurudzira vana kuti vataure nechiShona bedzi.

“Takaona zvakakosha nekuti vana vazhinji havachagoni kutaura Shona yega pasina kusanganisa nechiRungu. Dambudziko ratinaro paShona Club nderekuti vana vepano vanotaura nechiRungu. Vamwe vacho vari kubva kupuraimari vakatodaro zvekuti chero kusekondari zvava kutovanetsa kutaura Shona.”

Mai Machomera vanotenda bepanhau reKwayedza nekubatsira kwariri kuita vana veShona kuburikidza nechikamu charo cheDenhe Reruzivo nedzimwewo nyaya dzarinoburitsa.

“Vana vedu vazhinji vari kuita dambudziko rekusanzwisisa mamwe mazwi akanyorwa mumabhuku ekuverenga ekare. Zvisinei, nyaya dziri muKwayedza dziri kuitika mazuva ano zvekuti mutauro wacho vanounzwisisa nemashoko anenge akanyorwa imomo.

“Nyaya dzemuKwayedza dziri kubatsirawo pakuti ipfupi, dzinoverengeka dzichipedzeka nezuva rimwe chete izvo zvasiyana nemabhuku anoda mazuva,” vanodaro.

Izvi, vanodaro Mai Machomera, zvinobatsira vadzidzi kuti vazive mashandisirwo ezvakaita setsumo, madimikira nenyaudzosingwi. “Kwayedza iri kubatsirawo pakuita ongororo yemabhuku anonyorwa nevana pabvunzo.

‘‘Izvi zvinoyamura vadzidzisi mukufundisa kwavanenge vachiita kuverengwa kwemabhuku,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey