‘Simudzirai utano kuvanasikana’

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Simudzirai utano kuvanasikana’ Luceta Chifamba (kuruboshwe), VaStephen Nyaruwata (pakati) naVaYu Yu vachitaura nevatori venhau pazuva reWorld Population Day, muHarare. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Luceta Chifamba (kuruboshwe), VaStephen Nyaruwata (pakati) naVaYu Yu vachitaura nevatori venhau pazuva reWorld Population Day, muHarare. —  Mufananidzo: Memory Mangombe

Luceta Chifamba (kuruboshwe), VaStephen Nyaruwata (pakati) naVaYu Yu vachitaura nevatori venhau pazuva reWorld Population Day, muHarare. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Zuva iri rinopembererwa musi wa11 Chikunguru pasi rose uye gore rino rakapemberewa pasi pedingindira rinoti: “Kusimudzirwa kwevanasikana”.ZIMBABWE nemusi weMuvhuro svondo rino yakabatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva reWorld Population Day paine kurudziro yekuti patorwe matanho akasimba ekusimudzira nyaya dzeutano hwesikarudzi kuvanasikana pamwe nekuti vave nemikana yakaenzana nevanakomana.

MuZimbabwe, mhemberero idzi dzakarongwa nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) rakabatana nebazi rinoona nezvemadzimai, kuenzaniswa kwemukana nekusimudzirwa kwenharaunda.

Mumashoko avo akaverengwa naActing Director kubazi iri, VaStephen Nyaruwata, munyori mukuru kubazi rezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda, Dr Perpetua Gumbo vanoti vanasikana vachiri kuyaruka vanofanira kusimudzirwa munyaya dzeutano nedzidzo senzira yekurwisa nzara nehurombo mavari.

“Vanasikana vakakosha zvikuru uye kana vakasimudzirwa vanoita zvinhu zvakakura muupenyu. Kusimudzirwa kwevanasikana kunoreva kuwaniswa kwavo dzidzo yemhando yepamusoro, kuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanakomana, kusimudzirwa munyaya dzeupfumi, kuchengetedzwa kwavo kubva kunyaya dzemhirizhonga nekusimudzirwa munyaya dzeutano hwesikarudzi,” vanodaro Dr Gumbo.

Vanoti vanasikana kana vakawaniswa dzidzo vanokwanisa kufumura nyaya dzemhirizhonga pasina kutya nekuti vanenge vave kuziva kuipa kwadzo.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti chikamu che3% chemhirizhonga dziri kuitika kuvanasikana ndidzo dziri kumhan’arwa. Kureva kuti kune nyaya zhinji dzemhirizhonga dziri kuitika kuvana dziri kuperera murima zvichikonzerwa nekutya kana kushaya ruzivo,” vanodaro.

Mumiriri weUNFPA muZimbabwe, VaYu Yu, vanoti sangano ravo rinobata pamwe nevatsigiri varo mukusimudzira vanasikana kuti vakwanise kurwisa nyaya dzemhirizhonga, kusimudzira nyaya dzeutano hwavo, kurwisa kumbunyikidzwa kwavo pabonde nezvimwe zvinoderedza budiriro yavo.

“Tiri kushanda nemasangano akaita seSista2Sista Club Girls Empowerment, Young People’s Network (YPN) kuti vabatsire mumukusha mashoko echenjedzo kuvanasikana.

“Kana nyika dzikatsigira vanasikana munyaya dzeupfumi zvinovapawo mikana yekuti vange vachiita zvinhu zvinounza pundutso muupenyu hwavo nebudiriro yenyika zvichibatsira mukurwisa nzara,” vanodaro VaYu Yu.

Vanoti vanasikana pasi rose vanosangana nematambudziko makuru kana zvichienzaniswa nevanakomana.

Pasi rose vanasikana vanosvika 15 miriyoni vari kuroorwa vari pasi pemakore 18 gore rega-rega. Zvakare, vanasikana vanosvika 20 000 vari pakati pemakore 15-19 okuberekwa vari kusununguka zuva nezuva munyika dzichiri kusimukira apowo ndufu dzinodyidzana nenyaya dzekusununguka dziri pamberi kuvana vezera iri.

“MuZimbabwe, chikamu che31% chevanasikana vari kuroodzwa apo pavanasikana gumi mumwe chete wavo ari kusununguka gore rega-rega,” vanodaro.

Mumiriri wevechidiki kusangano reYoung People’s Network, Luceta Chifamba, anoti vanasikana vanosangana nematambudziko mazhinji sekusiira chikoro panzira nekuda kwehurombo kana kufirwa nevabereki uye nyaya dzetsika nemagariro zvisingakoshesi vanasikana pamwewo nezvimwe zvitendero.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey