Szczesny haachafe akatambira Arsenal: Tomaszewski

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

SHASHA yakambonetsa ichibatira nhabvu nyika yePoland, Jan Tomaszewski, anoti anofunga kuti Wojciech Szczesny haachambofe akatambira Arsenal zvekare mwaka uno uye anofanirwa kutsvaga chimwe chikwata uko anoenda nechikwereti achibva kuEmirates.

Mutambo waSzczesny wekupedzisira waive musi wekupemberera gore idzva apo vakakundwa neSouthampton. Sportsmail yakaburitsa pachena kuti mutambi uyu ainge abhadhariswa faindi apo akabatwa achisvuta fodya mukamuri yekugezera.

David Ospina akabva apinzwa pachinzvimbo chake uye mumitambo mitatu yaatamba, haasati amboniswa apo ari kurakidza kuti haasi kuda zvekubva muchikwata ichi.

Tomaszewski, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti ‘The Man That Stopped England’ apo akatamba zvinonwisa mvura mumutambo uyo Poland yakasangana nemaThree Lions mugore ra1973 mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup, ari kukurudzira Szczesny kuti abve kuArsenal nguva yekutengeswa kwevatambi isati yavharwa.

“Ndinoona kuti Adam Nawalka (murairidzi wePoland) anofanirwa kuenda kuLondon omutsvagira nzira yekumubatsira nekuti sekuona kwangu Wojiech haachambotambe zvekare kusvika pakupera kwemwaka uno,” Tomaszewski akaudza Sportowefakty.

“Wojciech anofanirwa kutsvaga chikwata chekuenda kunotambira nechikwereti. Hapana chaanombobva zvake, anoramba akabatanidzwa nekondirakiti yaanayo kuArsenal asi zvinomubatsira kugara achitamba mitambo yakawanda”.

Kubva Szczesny paakaburitswa kuArsenal, chikwata chaWenger chakwanisa kuhwina mitambo mitatu yakatevedzana inoti 2-0 Hull City mumutambo weFA Cup, 3-0 Stoke City muligi uye 2-0 apo vakakunda Manchester City svondo radarika kuEtihad. – Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey