TADZIDZA ZVAKAWANDA: ZIFA

15 Feb, 2024 - 21:02 0 Views
TADZIDZA ZVAKAWANDA: ZIFA Lincoln Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka

SACHIGARO wekomiti yeZIFA Normalisation Committee – Lincoln Mutasa – anoti mutambo uchangopera weTotal Energies Africa Cup of Nations (AFCON) wakavavhura maziso ezvinhu zvinodiwa kuitwa kuti vagadzirise nhabvu igosimukira munyika muno.

Mutambo weAFCON, uyo wange uchitambirwa kunyika yeIvory Coast, wakapera musi weSvondo wadarika apo Ivory Coast yakasimudza mukombe uyu zvichitevera kukunda kwayakaita Nigeria 2-1 mufainari.

Mutasa aive kuIvory Coast ari muyenzi weCAF.

Achitaura ari kuIvory Coast svondo rino, Mutasa akaudza Kwayedza kuti akadzidza zvakawanda kubva kuAFCON.

Anoti chekutanga kuti nhabvu isvike kure munyika munofanirwa kuve mune nhandare dzepamusoro dzekutambira mitambo mikuru.

“Nhandare dziri kuno (Ivory Coast) ndedzepamusoro naizvozvo zviri kutooneka kuti nyika iyi yakashanda kudira mari kuti nhandare dzavo dzinge dziri dzemhando yepamusoro.

“Kuno kuIvory Coast kune nhandare nhanhatu dzepamusoro dzange dzichishandiswa kutambirwa mitambo yeAFCON saka tinofanirwawo kuve nenhandare dzakadaro munyika yedu,” anodaro.

Mutasa anoti ibasa reHurumende nemakanzuru kuvandudza nhandare dzakasiyana munyika sezvo varivo varidzi vadzo.

Nguva pfupi yadarika, gurukota rezvemitambo nevechidiki – Dr Kirsty Coventry – vakataura kuti pane basa rave kutanga kuitwa rekuvandudza nhandare huru munyika yeNational Sports Stadium kuti isvike padanho rekutambirwa mitambo mikuru.

Kuchiti kanzuru yeHarare makore adarika yange ichimhanya-mhanya kuvandudza nhandare yeRufaro Stadium kuMbare iyo mwedzi wadarika yakanzi neCAF iputswe ivakwe patsva.

Mutasa anoti nhabvu yaakaona ichitambwa kuAFCON yakamurakidza kuti muAfrica hamuchina nyika inonzi idiki panyaya dzemutambo uyu.

Anoti kubika vatambi vachiri vadiki kwakakosha sezvo kuri kuzobatsira nyika kutumira vatambi vakawanda kunotambira nhabvu kuEurope.

“MuAfrica muno hakuchina chikwata chinonzi chidiki nekuti nyika zhinji dzave kutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zviri kubatsirwa nekudira kwazviri kuita mari yekubika vechidiki.

“Kana tikadira mari mune vechidiki, zvinobatsira kusimudzira nhabvu uye mune remangwana tinoona budiriro yacho nekuwanda kwevatambi vanonotambira zvikwata zvekunze.

“Zvikwata zvizhinji zvekuAFCON zvange zvizere nevatambi vanotambira kunze kwenyika,” anodaro.

Anoti ZIFA kutaura kuno iri mushishi kutsvaga murairidzi mutsva wemaWarriors anozotsiva Baltemar Brito uyo asina kudzoka pabasa iri zvichitevera kupera kwakaita kondirakiti yake gore radarika.

Mutasa anoti munguva pfupi inotevera, vachazivisa kuti achange ari murairidzi mutsva wemaWarriors ndiani, asi chekutanga vanoda kugadza technical director weZIFA uyo anozotsiva Wilson Mutekede akadzingwa basa.

“Tiri panyaya yemurairidzi mutsva wemaWarriors, murairidzi wedu watichatsvaga anofanirwa kunge ange achimbotevera mitambo yeAFCON achiona matambiro ezvikwata zvakasiyana nekuti mumwedzi inotevera tichazotamba mitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup saka zvimwe zvikwata zvacho zviri muboka redu.

“Murairidzi mutsva ari kuuya asi tichatanga tagadza technical director nekuti ibasa hombe musangano redu,” anodaro Mutasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey