Takashinga Patriots 2 hutu nemukombe

23 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Takashinga Patriots 2 hutu nemukombe Vatambi veTakashinga Patriots 2 vachipemberera mushure mekuhwinha

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheTakashinga Patriots 2 ndicho chakasimudza mukombe weNational Premier League T20 Blast zvichitevera kukunda kwachakaita Uprising nezvibodzwa zvitatu (three runs).

Mufainari yakatambirwa kuHarare Sports Club svondo radarika, chikwata chekuHighfield ichi (Takashinga Patriots 2) ndicho chakatanga kutamba ndokuita zvibodzwa 207 pakabuda vatambi vapfumbamwe mumaovers 20 Uprising yakazotamba pechipiri yave kutevera Takashinga ndokukwanisa kuita zvibodzwa 204 pachibuda vatambi vanomwe mumaovers 20.

Mutambo uyu wakaona mutambi weTakashinga Patriots — Antum Naqvi — achihwina mubairo weplayer of the match mushure mekunge akwanisa kuwana zvibodzwa 91 kubva pamabhora 47 aakatamba uye akazokwanisa kuburitsa mutambi mumwe chete weUprising panguva iyo Takashinga yakange yave kubowler.

Chizvarwa chekuBelgium ichi chakahwiniswa US$500 pamwe nemukombe.

Vamwe vatambi vakatamba zvaigutsa kuTakashinga vanoti Cephas Zhuwao uyo akaita 36 runs pamwe naFaraz Akram akabuda ne35 runs Trevor Gwandu akatamba zvikuru panguva yavakange vave kufielder apo akatora mawickets matatu uye Tashinga Musekiwa akatora maviri.

Uprising payakange yave kutamba, Craig Ervine akamira-mira kuchikwata ichi izvo zvakamuona achiita 76 runs, Nick Welch akaita 60 runs kuchiti Brian Bennet akaita 24 runs.

Panguva yavo yekufielder, Chris Mpofu akatamba zvainwisa mvura izvo zvakamuona achitora mawickets mana apo Luke Jongwe akatora matatu, asi vakapotsa nepadiki kubata Takashinga iyo yakaenda nemukombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey