Unodyiwa nemaperefita!

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NDINOTI makorokoto kumadzimai akabuda muKwayedza masvondo maviri adarika vakanga vachiti vakanwiswa ropa kumasowe. Ndinoti makorokoto nekuti vakakwanisa kupunyuka kubva mumawoko ezvikara zvakanga zvagadzirira kuvaparadza nekuuraya dzimba dzavo nemweya yavo.

Kuvhiringidzwa, kushandiswa, kunyeperwa, kutyisidzirwa nekubirwa mari nehunhu ndiwo mutambo wakurumbira mumasowe emaporofita anoswera achirwera rute achiporofita.

Vakadzi vaviri vakabuda muKwayedza vekunwiswa ropa nemaporofita vakanga vatambudzika nekushaya mbereko. Vakaitiswa zvinhu zvinorutsisa, nekuti vakanga vachida kubatsirwa kuti vawane mbereko.

Dzimwe nguva kana tikanyanya kutambura, tinofamba tichionekwa nenyika yese kuti tafanana nemhuka yabaiwa iri kuda kungopedziswa.

Tinenge tichifamba takadengezera kushupika kwedu, uye misodzi yedu iri mafuta atinozora.

Kana nhamo nematambudziko zvikatiwachisa, hatizodi kunzwa kuti kune munhu anogona kugadzirisa matambudziko edu. Tinobva tamhanyira ikoko, tomunamata, nekuita zvese zvaanenge ati tiite.

Kumwe kuda kupedza nhamo kunoita kuti tiite sekuti tave kupenga. Tinoita sekuti tisu tega tine dambudziko. Asi Jesu chaiye akati, panyika tichatambudzika.

Handisi kufarira kutambudzika kwevanhu, asi ndiri kurwadziwa nekudyiwa kuri kuitwa zvevapfupi nevarefu munzvimbo dziri kushandisa zita raMwari.

Chokwadi vanhu vangashinge kutambisa zita raMwari vachiti dambudziko rekushaya mbereko rinoda kuti vanhukadzi varare nemweya? Hama dzangu, Mwari vari kudenga, uye isu tiri pasi.

Maporofita emutumasowe twemumasuweji ndidzo mhumi nemapere dzinovhima zvine njere. Mapere anotarisisa mhuka dzisina kusimba — dzinogona kunge dziri mhuka diki, dziri kurwara kana kuti dzakakuvara. Ndiwo mararamiro emapere iwayo.

Mapere haana tsitsi, uye anodya chero chinhu chinodyika chaanenge awana. Nemaporofita anoswera achitenderera mumasowe umu anoda kuchenjererwa nekuti haana tsitsi.

Maporofita iwayo anoshandisa kuda kubatsirwa kwako pamusoro penhamo nematambudziko.

Kana uchifamba wakapfeka dambudziko rako sehembe, chero nebenzi rikataura zvarataura pamusoro pako, unototeerera nekuti unenge uchifunga kuti ndipo pane kuponeswa nekuyambuka kwako.

Satani akataurwa muBhaibheri kuti anofamba-famba nekudzvova seshumba achitsvaga waangaparadze. Satani akangwara, haapedze nguva yake achivhima wese wese kana pese pese, kwete. Vanhu vaanofamba achivhima ndivo vaye vane maronda, mbonje nemavanga ekurwadziwa nematambudziko ehupenyu.

Kushaya mbereko kwakaoma muhupenyu nekuti kunoita kuti mudzimai azvipe mhosva. Kunoita kuti hama dzemurume dzisafunge kuti murume anogona kunge ari iye ane dambudziko.

Kushaya mbereko kuchiri kurambirwa vanhu. Nhamo nematambudziko zvakaipa kunge mhosva isina anoda. Kuipa kwematambudziko nemhosva ndekwekuti, kufanana nevakadzi vekubuda muKwayedza vatiri kutaura nezvavo, munhu unogona kusvika pekuti unoti chero ndikanzi ndiite zvese zvese kuti zviite, ndinoita.

Asika, chandave kuziva chandakadzidza ndechekuti hadzisi nguva dzese Mwari pavanotipa zvese zvatinoda. Dzimwe nguva kumirira chinhu chiri muhurongwa hwaMwari.

Kana tikaziva kuti Mwari vakanga varipo, uye vachizviona Jesu paakanga achirohwa, kutukwa, kusvipirwa, kubviswa hembe, kudzurwa ndebvu nekusekwa — asi nekuda kwekuti zvaiitika izvi zvakanga zviri muhurongwa hwaMwari, nesuwo ngatidzidze kuti “Mwari, kuda kwenyu ngakuitwe.”

Madzimai, panyika tiri muhondo, asi hatirwe hondo dzedu. Mwari vanesu uye vane hany’a nesu.

Zivai kuti Mwari vanoti dzivisai Satani, muchiziva kuti kune vamwewo vari mumatambudziko makuru kudarika enyu.

Asi, rega kufamba wakadengezera bhasikiti renhamo dzako kuti vanhu vakunzwire tsitsi. Unodyiwa nemaperefita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey